Guta Ra Jehova
Lesson 136

Muchato Wemwana waMatenga muGuta raVaJehova

1 Muchato weMwanakomana waMatenga wakanga uri muchato wejaya nemhandara.

2 Muchato uyu wakanga waeriswa mudenga nemunyika, muchato wemuJerusarema.

3 Muchato wevatumwa wakanga wakasangana nemusangano wekuberekwa kwaMwanakomana munyika, Ishe Jesu.

4 Muchato iwoyo wakanga uri kupenya zvakanga zvichityisa kwazvo.

5 Muchato wakachatiwa vane mbatya dzemweya dzakanga dzichipenya sendarama.

6 Vabereki vemusikana vakanga vauya vachibva Chipinge.

7 Zvino ndakaona hambakamba dziye dzakanga dzagarwa nevatumwa veDenga vachienda mumba makanga muine nyamuchatiswa.

8 Vateura imomo, zvakatyisa kwazvo.

9 Vazhinji vakanga vari Mudivi umo makanga muchiimbwaumo makanga muchiimbwa "Jerusarema musha wangu, musha wakanakamusha wangu, musha wakanaka".

10 Muchato uyu wemuJerusarema wakanga wakafanana neweKenani yeGarireya. Tarisa Johane 2: 1–12.

11 Vaiva mukati meDivi vakanga vakatarisa kumabvazuva, vakanga vari vatumwa chete.

12 Matenga vasimuka, vakanga vaine mbatya dzainanikira sezuva.

13 Vakati vanhu vakanga vachitarira vachiti,"Tichaona zvaanonzi mwana wevakatumwa munyika."

14 "Zvaari mudomeni wani, zvichida achatadza nevanasikana vevanhu."

15 "Asi kununurwa bedzi mune zvakadaro naBaba vari muDenga."

16 Rikati,"Nhasi mwenje watapidzwa pamusoro pechingwa kwete pasi pedengu."

17 "Ndinotenda Matenga nebasa guru ravakaita iri.nebasa guru ravakaita iri."

18 Matenga vaitaura aya mashoko rizere nemasimba eDenga.

19 Raiti rikasvetuka pamberi panyamuchatiswa, pakarepo ndakaona vanyamuchatiswa vachibatwa nesimba.

20 Zvapera, vanhu vakakanda zvipo zvanyamuchatiswa.

21 Tapedza, Vavhangeri vakasimuka vakati,"Kwagadzirwa kudya kwanyamuchatiswa."

22 Vanhu vazhinji, mazana nemazana, vakagutswa pamuchato iwowo.

23 Kuzoti tapedza, tadzoka zvee Mudivi , Matenga vakasvika richiti,"Nditenderei naJeneti."

24 Zvino vanhu vakanga vachitenderera Divi vachiimba, vachifarira nyamuchatiswa.

25 Matenga vakati,"Muchato weMwanakomana waMatenga muchato wevatumwa."

26 Rikati,"Muchato wejaya nemhandara; vana vasina kutapudzwa ropa."

27 Vanodaro Matenga muchato wapera; rikatenda kuvanhu varo nemuimbi Jeneti .

28 Shure kwemuimbi, rinoti,Shure kwemuimbi, rinoti, "Tsvitsa yeMuDenga kutenda zvipo zvapiwa nyamuchatiswa.zvipo zvapiwa nyamuchatiswa."

29 "Haana hama pano asi imi ndimi hama dzacho nemadzisekuru acho."

30 "Nevakoma, vanin'ina, nemadzimainini; mashandira muMweya patsvitsa yeMweya."

31 Matenga vangaropafadza aya mashoko nekusingaperi. Amen.