Guta Ra Jehova
Lesson 38

Pipi raMatenga paGuta

1 Rimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chavo, varikupa ukuru nezvinenge zvarongwa neMweya.

2 Matenga vanoti,vanoti, "Pano paita pipi .."

3 "Shoko nderedzimba dzanetsa chaizvo."

4 "Danyeri, dangwe reGuta, mese munomuziva."

5 "Iye anoti mumba medu handidi kuti mugare munhu kwete."

6 Pakadaidzwa mumwe mudzimai, akabva anosungwa Mudivi imomo.

7 Danyeri ndokubva anobuda pamudzimai iyeye.

8 Akataura kuti,"Ini handidi munhu anogara mumba mangu,"akatotaura sedhimoni, asi ari mupenyu.

9 Kuratidza pipi raMatenga paGuta, remwaZimunya.

10 Kuzoti Danyeri azobva pamudzimai iyeye.

11 Kukazobudazve mweya wetsvina, pamudzimai umwe aivapo.

12 Abuda akati,"Ndini maiguru wake, ndaivabarika."

13 Zvikanzi naMatenga,"Uri kudeiko?"

14 Akati,"Ndinoda murume wangu zvekare."

15 Rikataura zvarakakwanisa nekudzingwa kwarakaitwa kudenga.

16 Danyeri akataurazve kuti,"Handidi munhu mumba mangu kwete, handidi zvangu."

17 Matenga vanoti,"Danyeri arikutaura ari mupenyu kuzadzisa zvandakataura chete kuvanhu neMweya."

18 Kwakabudazve mweya wemudzimai aiva kumusha kwake, akaita seakafa, asi ari mupenyu.

19 Mweya uyu waida kureurura kuMutumwa. Saka Matenga vanoti,"Kusapedza kureurura tinopera kufa tose."

20 Matenga vakati,"Kune vamwe venyu vane mimvuri yevamwe vanhu, zvino inotoda kubviswa."

21 Ikatozobviswa yose naMatenga rimwe zuva.