Guta Ra Jehova
Lesson 23

Kusvikazve paGuta Ravo

1 Matenga vakati vadzoka kurwendo urwo rwavakanzi neMweya,"Chimbofamba uende kwaChitsunge nekwaMutare."

2 Vasvika paGuta rekwaSeke, Mweya ukati,"Pano hapasisina nzvimbo yako ba."

3 Matenga vakaenda kunooneka Ngosi yepaGoromonzi.

4 Ngosi ikati,"Ndokupa wani eka nehafu pataundishipi."

5 Matenga vakataurira vanhu vavo saizvozvo.

6 Asi Baba vakaenda kunoona nzvimbo iyoyo, vakaona iri dikidiki kwazvo.

7 Vadzoka vanoti,"Ndaona moto muGuta, bvisai nhumbi dzenyu iyezvino."

8 "Moto! Ndaona moto muGuta, bvisai nhumbi dzenyu iyezvino."

9 Guta rikatsva rose, nemoto unotyisa kwazvo; hapana akadzimura.

10 Kuti zvizadziswe zvakataurwa neMweya vachiri kwaMutare; zvikaitikawo saizvozvo.

11 Kwakapera mazuva maviri Matenga vasvika, chaita basa Mweya vachiti,"Chibva, nguva yakwana."

12 Kuzoti shoko rabva kuNgosi kuti Guta harichavipo ipapo, Matenga vakati kuvanhu vavo,vakati kuvanhu vavo, "Ini ndava kuenda kwaMurehwa nhasi uno, handicharari pano; mosara muchichengetwa naChihota naSabhuku Kandawa. Hameno Ishe Seke.Seke."

13 "Ndinonorara muHarare nhasi, mangwana ndoenda kwaMurehwa."