Guta Ra Jehova
Lesson 173

Matenga Vanoiswa paChashamba Papurazi Munyika YaZvimba

1 Vakati vavatora, Matenga vakaenda navo kupurazi paChashamba munyika yaMambo Zvimba.

2 Papurazi ipapo vakanovaisa mumba yezvidhinha yaiva nemarata pamusoro payo.

3 Yakanga iri yemumwe murume weGuta; yakanga iri imba yakanga iri mupanda mukati mayo.

4 Papurazi iyoyo yakanga yakakomberedzwa nefenzi yose.

5 Pakaiswa geti nekiyi nechibhodhi, chakanga chakanyorwa.

6 Kuti munhu wese waida kuti aonane naMatenga, asvika pagedhi ipapo.

7 Vaitangisa kuona kiyi nechinyorwa ichocho, chakanga chakanyorwa kuti:"Sheedzera, Ridza huta, kana kuti Bhero."

8 Paiti kana waitawo saizvozvo, paiuya varume vaviri vaitanga kuuya kuzotarisa kuti ndiani.

9 Kana vakuona, vaidzoka vachienda kunodanidza Chagaresango nevamwe vake.

10 Vaiti kana vasvika pagedhi ipapo, kana ada vaikuzarurira, asi kana vasingadi vakuudza kuti udzoke zvako.

11 Matenga vakagara ipapo masvondo matanhatu (6 weeks).

12 Nezuva rimwe Matenga vakarutsa zvinoshamisa chaizvo, havana kuziva kuti chinyi.

13 Ndopakati mumwe anonzi Chagaresango akati,"Munoenda rini ko?"

14 "Ko hamungandiudziwo here?"Akavabata nemaoko ake.

15 Vakakanganwa kuti Baba ava vaityisa kana kutozenzerana navo.

16 Pakati nerimwe zuva vakatora Matenga vakaenda navo kuHighfields.

17 Vakarara varimo, vakadzoka navozve paChashamba ipapo.

18 Asi Matenga vakaramba vachirwara vachingotambudzika bedzi.

19 Chimwe chinhu nechichi vateveri vaMatenga vakatambudzika chaizvo.

20 Ini munyori ndakasvika ipapo naZengeni, mushonga naShelton, asi hatina kubvumirwa kuti tingaonana naMatenga, takadzoka takadaro.

21 Hareruya , Matenga ngaakudzwe; Mutumwagomo naRosi vakatambudzika chaizvo.

22 Ndivo vakanga vakachengeta Matenga kusvikira pakupfuura kwavo.

23 Ini ndinoti vakashanda basa rinotyisa chaizvo.

24 Dai vakanga vasipo, handizivi zvangu kuti zvaita sei; tinofanira kuvatenda nekuvakudza, kutaura chokwadi .

25 Ndivo vaigadzira kudya kwavo, nekugeza mbatya dzavo.

26 Ndivo vaivachengeta mumba imomo, nekugadzira pavairara.

27 Vakangotsunga bedzi kusvikira pakupfuura kwaMatenga.

28 Zvino tasara tava nherera panyama, asi pamweya tinavo Matenga .

29 Baba ava ngavaropafadze mashoko avo nekusingaperi. Amen.