Tsanangudzo yaMatenga Vabva kwaHonde
1 Hama dzangu, ndiri mudiki pane izvi.
2 Ndinokumbira pamberi paMatenga kuti vandiregerere pakukanganisa pane mashoko aya.
3 Panguva idzodzo, dzakanga dziri nguva dzakanga dzichinetsa, kana ukangadzirangarira.
4 Zvino Matenga vakange vachiziva zvavo kuti nguva dzakwana dzekuti vadzoke mukati meDenga.
5 Zvino Africa haina kuziva, nekuti yakaramba yakabatirira mune zvaikaipa.
6 Asi nguva yakanga iri kuswedera padiki nepadiki.
7 Tabva murwendo rwekwaHonde tauya muGuta.
8 Zvino zviuru nezviuru zvevanhu zvakanga zviri muGuta.
9 Zvino Matenga vakati,"Vana vangu"; wakanga uri musi weSvondo mangwanani.
10 Matenga vakasimuka vakati,"Vana vangu, paHonde ndipo pakatangiswa kusikwa nyika."
11 "Uye pane Gomo riripo pakanzi ndipo pakafanana negomo rakamhara ngarava yaNoa."
12 Matenga vakatizve,"Vana vangu, vamwe venyu ndafambafamba nehana dzavo."
13 "Vamwe venyu vachiti, 'Dai Matenga vapfuura'; munoti inyore here vana vangu? Basa rino rakaoma kutaura chokwadi .."
14 Sezvo pakanga paine shoko riye ravakati,"Vana vangu, handina guva munyika."
15 Asi mwoyo yevanhu vamwe yakagumbuka nekuti pakanga parongwa zvinhu zvizhinji.
16 Asi Matenga vakasarudza nzira yekuti vaende nayo, vakaita chimiro chavo munyika.
17 Zvisinei, uye zvisingashamisi, asi uye zvichishamisa.
18 Pane mashoko mazhinji andisina kunyora pane izvi, asi vakaona vakaona, vakanzwa vakanzwa, Matenga vachitaura.
19 Zvino Matenga vakati,"Newewo here mwanangu ndakakuitira mabasa makuru akadai, ndikakutambudzikira mune zvakati mukuti?"
20 Pakarepo munhu mumwe nemumwe akatanga kuzvibvunza mukati memwoyo wake kuti,Pakarepo munhu mumwe nemumwe akatanga kuzvibvunza mukati memwoyo wake kuti, "Ndiniwo here, Matenga ??"
21 "Ndiri parangano iri rekuti mupfuure mukati menyika?"
22 Bedzi mabasa avakaita mukati meGuta panguva idzodzo ndivo vachazokutonga pamberi paMwari vatakaona uyu.
23 Evakaita vanoti: kupomba, kuroya, kushora, kutsonyombodza Basa raMatenga.
24 Reurura upone nguva ichiripo, gonhi richakazaruka.
25 Vane nhamo kune avo vakaita iri basa; vanenge vane upenyu nyangwe vakafa kare paupenyu hwavo.
26 Akashinga kuroya, akashinga kupomba, akashinga kupokana kuti vakanga vasiri Mwari , asi mabasa vakaaona, akaitwa pamberi pemeso avo, nenzeve dzichinzwa.
27 Asi vanhu ivavo vakanga vaine mwoyo mikukutu, yakanga yakafanana nedombo rinoiswa mumvura, asi richibuda rakadaro.
28 Zvino vane nhamo vakaita iri basa mukati meGuta iri.
29 Asi chinhu ichochi chakanetsa vanhu muGuta chaizvo.
30 Asi Matenga vakashingaira chaizvo tikaregererwa netsitsi dzavo; ngavakomborere mashoko avo nekusingaperi. Amen.