Rwendo rwaMatenga KuGunde
1 Kwakati kwapera mazuva maviri, shure kweEaster, Matenga vakasimuka muGuta vakaenda kuGunde, kumusha kwavo kwaChitsunge uko vakaonera basa rose iri.
2 Vakatanga kudaidza vatumwa vemakomo umo makabva basa remweya rwaMatenga.
3 Kuzoti vasati vasimuka, Matenga vakapfekedza vanhu vakanga vakasvikirwa nemweya yevatumwa, weGomo neweMuwuyu, vakapinda Mudzino, wakaoneka chita chose.
4 Vakaenda vakakwira motokari dzinokwana nhatu; vaifamba zvinoshamisa kwazvo.
5 Pakufamba kwavo vaiimba rwiyo runotiPakufamba kwavo vaiimba rwiyo runoti "Tenzi TaunganaTaungana"; vakafamba vachiimba usiku hwese kusvikira vasvika kuGunde nemweya yevatumwa yakanga iripo.
6 Vakasvika usiku vanhu varara.
7 Asi vanhu vakauya usiku ihwohwo, vazhinji-zhinji, pasina akavadaidza.
8 Asi vakanzwa nemutinhimira chete.
9 Akati ava mangwanani, vanhu vakaungana zvinotyisa chaizvo, kuti vaone basa raMatenga.
10 Vakaenda kugomo; vapedza vakaendazve kuMuwuyu.
11 Vamwe vavo vakaratidzwa zvinotyisa kwazvo.
12 Vakati vapedza kushumira, vakadzoka kumba vakaona pazere nevanhu vazhinji-zhinji.
13 Kuzoti Matenga vamire pakati pavo vazere nemasimba, vakaparidza nebasa iroro.
14 Zvino vanhu ava vanzwa mashoko ekuponeswa.
15 Vamwe vavo vakabvunza vachiti,"Tingaponeswa seiko? Tiri kuda kupona."
16 Ipapo Matenga vakaona kufunga kwavo, vakati,vakaona kufunga kwavo, vakati, "Anoda kuponeswa ngaaende kuna Mabarani kuti areurure zvivi zvake zvose zvaakatadzira Mwari achiri munyika.achiri munyika."
17 Zvino izvozvi zvakavagutsa mumwoyo yavo.
18 Vanhu vazhinji vakasimuka vakaenda kunoreurura; vakabatwa pamusoro, nevamwe vakanga vadzokera shure vakabatwazve musoro kechipiri.
19 Nekuti vakanga vadzoka mumabasa aya avakamboti,"Havachazoiti zve narinhi."
20 Matenga vakati avakuvabata pamusoro, wekare nevatsva.
21 Vakanga vagara vakaita raini vakagara pasi, vakatwasanudza tsoka dzavo nemaoko avo.
22 Matenga vakanyakamira pane wekutanga, akatarira mudenga, akamira akasimudza maoko ake.
23 Vapedza vakatangisa kuisa ruoko rwavo runoyera pamusoro pewekutanga, nevachipiri; kuzoti pane wechishanu, vanhu vese veraini iroro vakapera kuwira pasi nemweya yetsvina kana kuti madhimoni.
24 Nekuti vakanga vava kutyiswa neMweya Mutsvene unopenya, unopisa madhimoni.
25 Vese vakaita semanhanga kana kuti matikiti kuti rakata pasi, pamusana pemweya yakaipa yakanga yakavagara.
26 Zvino Matenga vakadaidzira nezwi guru kutanda mweya yakaipa.
27 Ipapo mweya yakaipa yakatiza kubva kuvanhu ivavo ikaenda musango.