Guta Ra Jehova
Lesson 176

Kusimuka Kwevanhu muGuta Kwenda kwaZvimba

1 Vanhu zuva iroro havana kuzorara muGuta kwete, kunze kweavo vakashaya chokufambisa nacho.

2 Asi mwoyo yavo yaidisa kunoona pakaiswawo Musiki wavo.

3 Asi kunze kwevaya vaiti,"Dai zvachipera"; ndivo vaya vaipomba, vairoya, nekugumbuka mumwoyo yavo.

4 Zvichida ndivo vanaJudhasi vakakonzera zvose izvi.

5 Vanhu ivava havazogumi kuparidza kwete.

6 Asi ngoma, nemureza, nenyere, nedoropito acho zvemasoja zvakaendawo.

7 Vanhu vakasimuka muGuta vakaenda ikoko misodzi iri padama.

8 Mvura yakanga ichinaya zvaityisa chaizvo, nedenga rose rakanga richipenya zvaityisa chaizvo.

9 Zvino Ngarava yaMatenga yakatanga kusvika ipapo kunze kwava kuedza; dzimwe dzikazoteverawo.

10 Asi yasvika, paibvawo nevamwe vaiti tiri masoja.

11 Vakati,"MuJipi murikunhuhwa,"vachiipfira; ndopakabva pakuvara murume iyeye, takatozoona ropa royerera.

12 Vanhu vese vaiuya vachipinda mumba iyoyo yakanga irere Matenga .

13 Vaiti wapinda imomo, vaita raini, munhu mumwe nemumwe aizoratidzwa chiso chavo Matenga .

14 Vamwe vaiona zvishamiso nezvityiswa imomo, nyangwe nemudiki wose.

15 Uye maipenya mungarava imomo, mwaityisa nezvishamiso vanhu vaShe.

16 Zvino paZvimba ipapo pakanetsa, uye pakaitirwana nharo chaizvo.

17 Vamwe vakaenda kwaNyamushanya vachienda vachidzoka.

18 Asi ivo vaNyamushanya havana kuuya kwete; pakanetsa chaizvo.

19 Vamwe vakasimuka vakaenda kuGuta, vakasiya Matenga vasati vakotswa.

20 Asi vamwe vakapsikana pamwoyo yavo, vakapetuka vakaona kukotswa kwaMatenga.

21 Vanoziva panoziva bishi nemheremhere yakanga iripo ipapo pamazuva iwayo.

22 Ndizvo zvavanoita pasimuka munhu mukuru; bedzi pakatsika rekutanga ndopanotsika reshure.

23 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.