Guta Ra Jehova
Lesson 14

Gombwe Guru

1 Mbiri yaMatenga yakanga yaenda kure kwazvo.

2 Nevamwe vachenjeri vakadisa kunovaonawo ivo Matenga .

3 Pakauya Chaminuka, Gombwe guru.

4 Anzwa nemukurumbira kuti kune Matenga , vakauyawo paGuta raJehova; pakanga pane mumwe murungu ainzi ndiDhokotera, nemumwe munhu, vari vatatu.

5 Uyo Dhokotera mukuru wemuHarare.

6 Apinda mumba meMutumwa, akati,"Tinoda kutaura newe."

7 Matenga vakati,"Tanga wareurura, ndokubata musoro, ndokuzotaura newe."

8 Rikati,"Handibatwi musoro nemunhu wemukadzi."

9 Matenga vakati,"Kana waramba mutemo waMatenga, ungabva zvako pano."

10 Anzwa izwi iri, akada kuputsikira pasi, akabva atiza, asi haana kuzooneka, kana kuzotaura zvake.

11 Dhokotera uyu vakati,"Dai ndaiziva kuti ndizvo zvaunosvika woita, ndingadai ndisina kuuya newe."

12 Vose vakazoenda vasina chavakazoita ipapo.

13 Vose vakashamiswa nekupenya kwaMatenga, vakabva vaenda vose.