Guta Ra Jehova
Lesson 137

Kumacha Kwemotokari muGuta raVaJehova

1 Pazuva rechina mumusangano weKirisimasi.

2 Matenga vamire pamberi pevadzidzi vavo, rakati,"Nhasi motokari dzose, midhudhu, mabhazi, nemabhasikoro ngazvimache."

3 Zvino ndakaona motokari idzi dzakanga dzakawanda dzichitenderera Divi .

4 Denga nepasi zvakatinhira ipapo.

5 Zvino Matenga vakati,"Baba vari pachigaro vati, 'Onaka upfumi hwandakakupa kuti upe vanhu vako'."

6 "Unoti kudiiko mwana weAfrica? Onaka upfumi hwaBaba hwakabva muna Jeneti .."

7 Zvino ndakaona motokari idzodzi dzichienda kunotorawo zvigurangu zvemashizha, mabhasikoro wo nemidhudhu.

8 Matenga vakati,"Unoti kudiiko, iyeyu aikuburitsira zvose izvi waiti ndianiko?"

9 "Hauzivi here kuti Umambo hwaZimunya muDenga urikutonga, munyika ari kutonga?hwaZimunya muDenga urikutonga, munyika ari kutonga?"

10 "Nhasi hauoni here kuti ravataundi remotokari dzemweya, mabhasikoro emweya, nemidhudhu yemweya."

11 "Jerusarema rakaburuka richibva muDenga; reurura upone, ndiwo upenyu.rakaburuka richibva muDenga; reurura upone, ndiwo upenyu."

12 "Hamuoni here kuti mumotokari dzacho idzi mune vatumwa bedzi?"

13 Rinodaro, maZimunya makabuda zvose.

14 Motokari dzakakwana 60, mabhasikoro 73, midhudhu 2. Amen.