Guta Ra Jehova
Lesson 89

Madzimambo Anoratidzwa Basa Rose Pachena

1 Zuva reSvondo rasvika, takafuma kumuka mangwanani.

2 Vanhu vakanga vakatungamirirwa naNoah, muimbi.

3 Motokari dzafuma kunotora madzimambo mana iwayo.

4 Ndivo madzimambo akanga aita chisungo chekuti tinoda kuti Guta rigare ipapo, nekuti isu tanga takomborerwa kuti Mwari agare munyika yedu.

5 Tichangoti budeyi Mudivi , madzimambo akasvika; kanguva ikako vakagadzirirwa kudya kwakanga kwaropafadzwa naMatenga.

6 Kuzoti ava masikati takapinda Mudivi .

7 Pakarepo Gwayana rakabuda rikanokwazisana nemadzimambo aya.

8 Kuimbwa kwakanga kuchiitwa Mudivi kwanga kuchityisa chaizvo; pakarepo madzimambo vakauya Mudivi , vakagara pazvigaro zvavo zvakanga zvagadzirwa.

9 Pakarepo Gwayana rakauya Mudivi , rakanga richipenya sendingiriro yaiswa pazuva.

10 Uye rakanga riri zuva rekuratidza vana Mudivi .

11 Muvhangeri akasimuka akavhura tsamba yekuna Zvakazarurwa yakanyorwa naJohane, rinoti,"Denga idzva neNyika idzva".

12 Vana vakaiswa Mudivi , kuti vabhabhatidzwe naMatenga.

13 Matenga vakasimuka vakati,"Ndirori basa rengirozi dziri pamberi idzi, idzo ndakauyira munyika."

14 "Ndivo ava vana vemhanje dzemakore vakagara munyika dzisina vana; ndiro basa ravapamberi iri."

15 Matenga vakati,"Ndizvo zvacho zvandakauyira munyika."

16 "Apo ndakadzimwa munyika, ndakandosangana nezvinyorwa zviriko."

17 "Zvikanzi enda unotaurira Africa yose, kuti kuroya, kupomba, kuba, hun'anga, kureva nhema, kuuraya nezvizhinji zvose zvakaipa hazvidiwi kuno."

18 "Wakauya wakadaro, ndinopedza kurasa vose."

19 Rapedza kutsanangura, Gwayana rakabhabhatidza vana varo avo rakasika roga mbune.

20 Zvino mazita evana neevabereki vacho vakashevedzerwa, nekwavanobva, nezvikonzero zvakasaka kuti vabereki vashaye vana mukati menyika.

21 Vanhu ava vaisimuka vachizvipupurira vega pamberi pemadzimambo.

22 Mumwe wevana ava akasimuka achiti,"Ini ndakagara munyika kwemakore makumi maviri nemanomwe."

23 "Handina kumboita mwana; zvino ndauya pano paMazvose, ndakatsvairwa neruoko chete, ndikawana nhumbu yangu yakagara makore mashanu ndiinayo; heuno mwana wandinaye."

24 Chikonzero chakasaka mai ava vashaye mwana munyika, vakanga vaine dhimoni reuroyi.

25 Vamwe vaiva nemadhimoni, aiti engozi, ekupomba, nemamwe mazhinji akasiyana-siyana.

26 Pakaberekwa mwana mangwanani acho akaratidzwa zuvaro.

27 Zvino vakaratidzwazve zvirema, mapofu, vane nhumbu dzemakore, mhetamakumbo, nevazhinji vane hosha dzakasiyana-siyana vakanga vachizvitaurira vega pamberi pemadzimambo.

28 Uye vakashamiswa kwazvo nemwana vakaratidzwa vakaberekwa zuvaro, vachisimudzwa mudenga; vakatya nekudedera kwazvo.

29 Vakati,"Vanhu vanzotinyepera kuti hakuna zviriko; nhasi tagutswa isu toga."