Guta Ra Jehova
Lesson 129

Kuvakwa Kwengarava yaMatenga muGuta

1 Kwakati Gwayana ratutsirwa munyika umo rakanga raenda kunonunura vakanga vakaremerwawo sesu.

2 Ngarava yavo yakasara ikavakiswa zvee patsva, nemabhiridha nemakaripenda acho e muGuta.

3 Zvino Muvhangeri Chareka nevatungamiriri vekwaMutare ndivo vakanga vachitenga zvinhu zvacho zvakanga zvichidiwa paNgarava ipapo.

4 Pakabva pavakiwa negaraji remotokari yaMatenga, zvose zvikapendwa nependi chena.

5 Kuzoti nemusi weSvondo mangwanani, takakwira mugomo, tikadzika zve Mudivi .

6 Tiri mukati mekutenderera, Gwayana rakauya Mudivi richibva mune imwe imba yaraigara.

7 Zvino Mambo Zimunya vakauyawo zuva iroro, vakatanga kuonana.

8 Hatina kuziva kuti zvarehwa nyi; vakakwaziswa naMatenga.

9 Asi Matenga vakanga vakabatwa nemasimba zvinotyisa kwazvo.

10 Muzviziviso, Matenga vakatsanangura nerwendo nekuoma kwerwendo irworwo.

11 Zvino vatumwa vakaburitswa, vachichingamidzana naMatenga nevakanga vasara muGuta.

12 Matenga vakati,vakati, "Baba vati, 'Hoko yeGuta, Muvhangeri Nyamandura, akanzi anouya Harare'.Nyamandura, akanzi anouya Harare'."

13 Matenga vakati,"Ndakabvunza kuti anosara ari muGuta ndiyani?"

14 "Zvikanzi, 'Hauoni here kuti, vakasiya vapa un'anga uyo Makisiwero'."

15 Pakarepo Matenga vakati,vakati, "Ndinotenda VaJehova nekusara vakachengeta Guta ravo.ravo."

16 Rikati,"Nemapurisa eGuta akanga ari vatumwa chete."

17 Matenga vapedza, Muvhangeri Mhundwa, naMabarani Rusike, naMakuwerere vakasimuka vakapupurawo nerwendo irworwo.

18 Matenga vakati,"Vanangu mharidzo yenyu yakanga ichinyorwa. Amen."