Guta Ra Jehova
Lesson 155

Guta ReVachenjeri

1 Aya maguta emuDenga akanga asina aninaani aiziva.

2 Bva Baba vauya, tava kuaziva isu takanga tisina kufanira kuziva izvi.

3 Guta iroro reVachenjeri rine vatumwa vasingaonekwe makumbo avo kana uso.

4 Zvipfeko zvavo zvinongosiya maziso oga nendebvu refu.

5 Zvino zvipfeko zvavo zvinonge munhu akapfeka zvipfeko zvechando.

6 Hamuna vakadzi; ndivo vega bedzi varume.

7 Guta rinotyisa kwazvo, vanhu vaMwari. Amen.