Lesson
155
Guta ReVachenjeri
1 Aya maguta emuDenga akanga asina aninaani aiziva.
2 Bva Baba vauya, tava kuaziva isu takanga tisina kufanira kuziva izvi.
3 Guta iroro reVachenjeri rine vatumwa vasingaonekwe makumbo avo kana uso.
4 Zvipfeko zvavo zvinongosiya maziso oga nendebvu refu.
5 Zvino zvipfeko zvavo zvinonge munhu akapfeka zvipfeko zvechando.
6 Hamuna vakadzi; ndivo vega bedzi varume.
7 Guta rinotyisa kwazvo, vanhu vaMwari. Amen.