Kufamba Kwakaita Matenga Munyika Vachiita Basa Ravo
1 Hama dzangu, ava vakanga vari Baba vatakasangana navo.
2 Takafamba navo, tikadya navo, vakatiratidza zvityiswa, vakaita mabasa mazhinji-zhinji asingaverengeki.
3 Vakaona vakaona; ziya urangarire pawakasiirwa, uri kuti vachadzoka vachikuona uripo here kana kuti kwete.
4 Wada here zvenyika, kana wada here kunyengedzwa nechaunoziva, chawakaona Baba vachitaura pachena.
5 Rangarira chiimbo chaMiriamu,Rangarira chiimbo chaMiriamu, "Ona vanhu vako Mwari , kudza dzose nguva., kudza dzose nguva."
6 Vakazodzokazve kwaMudziti vakazobva varipiwa chose musi wa 23rd July 1956, musi weMuvhuro.
7 Kutangisa kupfekedzwa kweyunifomu paGuta waiva musi wa 16th September 1956, svondo yemasikati Mudivi .
8 Matenga vakatangisa kupiwa Ngarava yavo musi wa 17th October 1956, nemusi weSvondo masikati.
9 Rwendo rwekutanga kuMunyanyadzi muna May 1957.
10 Vakazofambazve vakaenda Chipinge muna 1957.
11 Vakazoendazve kuSipolilo muna November 1957.
12 Zuva reNgundu yevekumabasa waiva musi wa 20th China, kusvikira 24th Muvhuro, muna February 1958.
13 Matenga vakaenda kuZaka nemusi wa 10th March 1958.
14 Kutangisa kusvika kwaMatenga paZimbabwe musi wa 17th March 1958, nemusi weMuvhuro.
15 Matenga vakatangisa kuenda kuBulawayo musi wa 5th May 1958, Muvhuro; vanhu 4th May neSvondo.
16 Musangano weNgundu yeMasoja yekupedzisira waiva musi wa 13th July 1958, neSvondo.
17 Musangano wekutanga waJeneti waiva musi wa 23rd August 1958, nemusi weSvondo.
18 Pipi guru, kusumudzwa kweHwai muGuta, waiva musi wa 12th September 1958.
19 Kuzarurwa kweChitoro chaMakuyana waiva musi weMugovera masikati, 4th October 1958.
20 Zuva ravakaenda kwaZvimba, Chinhoyi, waiva musi wa 20th October 1958; vanhu 19th Svondo Matenga neMuvhuro.
21 Zuva rakaenda Matenga kuHighfield vachibva Chinhoyi, waiva musi wa 11th November 1958.
22 Kuzarurwa kweNgarava yaMatenga vabva kuHighfield, waiva musi wa 7th December 1958, neSvondo.
23 Kutangisa kuuya kwevatumwa veMasoja muGuta waiva musi wa 19th April 1959, neSvondo.
24 Kutangisa kuenda kwaHonde kwaMatenga waiva musi wa 3rd August 1959.
25 Kutangisa kupfekedzwa Nguwo dzeRuponeso waiva musi wa 20th September 1959, svondo masikati.
26 Kupfekwa kweNguwo dzeRuponeso kwevazhinji waiva musi wa 13th December 1959, neSvondo masikati.
27 Kuendeswa kwaMatenga paManyene waiva musi wa 4th May 1960, neChitatu.
28 Kudzoka kwaMatenga muGuta kubva kuManyene waiva musi wa 22nd June 1960, maawa echitatu.
29 Kutorwa kwaMatenga pakati peusiku 1 o'clock, nemusi wa 9th November 1960; raiva zuva reChitatu.
30 Nemusi wa 25th December 1960, Baba vakasimuka munyika vakaenda mukati meDenga.
31 Baba komborerai izvi zvinyorwa zvenyu nekusingaperi. Amen.