Musangano Wevatumwa VeDenga muGuta raVaJehova PaKirisimasi
1 Pasvondo yemasikati yakanga iri svondo yakanga ichityisa kwazvo.
2 Hambakamba dzeDenga dzakanga dzauya Mudivi .
3 Matenga vakanga vakapfeka nguwo chena, nekuti rakanga riri zuva reKirisimasi.
4 Matenga vakati,"Nhasi mazvionera mega, VaJehova vakoka Africa yose nevatumwa veDenga."
5 "Vese vauya kuzoona musangano wekuberekwa kweMwanakomana waMwari."
6 "Vaberekwa nhasi mumwoyo memumwe nemumwe nhasi."
7 "Nhasi tauya tose kuzonyoreswa mwoyo yedu kuti vaberekwa muAfrica muGuta raVaJehova."
8 "Raberekwa Gwayana guru reDenga, kufanana nemusi uye wakaberekwa muBheterehema reJudiya.guru reDenga, kufanana nemusi uye wakaberekwa muBheterehema reJudiya."
9 Bva, vanhu vese vakauya kuzonyoresawo mumweya.
10 Vachiti,"Zvirokwazvo tava pano, tazvionera nemeso edu vaberekwa muAfrica nhasi."
11 Zuva rakatyisa nemwoyo wangu, vanhu vaMwari.
12 Dai Gwayana rangotichemerera kuti kumagumo kweizvi tirege kunoraswa, vanhu vaMwari. Amen.