Guta Ra Jehova
Lesson 87

Masoja NeVarwi Vakapiwa Kudya NaMatenga

1 Ndakaona zuva reMugovera roda kuwira, Matenga vachiburitsa mapipi nezvifananidzo zvichiburitswa.

2 Zvakauya zvakawanda nekuti zvimwe zvaida kupinzwa muMusha.

3 Kuzoti rava zuva remangwanani.

4 Baba vakati,Baba vakati, "Vana vangu, endai kurukova munochera mvura nhasi; Matenga vati munopiwa mushonga nhasi.vati munopiwa mushonga nhasi."

5 Vanhu vese vakapembera nekufara kukuru kwazvo, nekuti vakanga vaane mazuva vasina mishonga.

6 Mabhagidhi nemigomo ine mvura yakauya yakazara, ikarongwa mumaraini matatu.

7 Baba vakauya vakanamatira mvura iyoyo yose ikava mishonga yakasiyana-siyana.

8 Ndakaona munhu umwe neumwe achitora mushonga uyo unorapa chirwere chake.

9 Kuzoti ava masikati Matenga vakadaidza masoja akapakatira mabaneri nevarwi.

10 Taungana, Matenga vanoti,"Ndamugadzirirai kudya vana vangu"; tose takava nekufarira zvikuru.

11 Takagadzirirwa kudya kwakadai nekwehwai yakanga yabairwa isu, kokakora, netiyi, yakanzi iwani nechingwa chakanzi chipapata.

12 Zvakava nekushamisa nekuti nhumbu dzedu dzakaswera dzizere takaguta chaizvo, tisingafungi nekudya chimwe chinhu, nekuti takapiwa kudya kwakaropafadzwa.

13 Takanga takagara pamba paMatenga, sevarindi vari kurindira; mwoyo wangu wakatya nekudedera pane izvi.

14 Pakanga paine hwai yakanga isingazikanwi uko yakabva, yakauya apo Matenga vakange vaenda kuSipolilo.

15 Nezuva rimwe Matenga vanoti,"Kuone anoziva muridzi wayo; zvichida vachauya vachitora."

16 Vanoti,"Hwai iyi yakauya nevafudzi, vatumwa vazhinji-zhinji, vapo ndakanga ndisiri pano."

17 Hwai iyi yaishamisa kwazvo.

18 Yaiti kana vanhu votenderera Mudivi yaitendererawo; kana vanhu vodimura Divi vakaita mapato, yaitawo pamwe nevanhu.

19 Kana vakanzi ngavakwire mugomo, iyo yaitotangira vanhu kukwira mugomo imomo.

20 Yakanga isingarovi kusvondo; yaiti Nowa akatangisa kuimba, naiyowo yaitangisawo kuwamo musvondo; kana vanhu vakatangisa kunamata, naiyo yaipfugamawo.

21 Nezuva rimwe Baba vakati,"Ko mwopindwa nemhuka here?"

22 "Yiri kuita zvose izvi."

23 "Bva hama dzangu tingapindwawo nemhuka here kuvirikidza VaJehova?"

24 Ngatiisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.

25 Zvino apa pachidyo yakauyawo kuchidyo; apo ndakaiona, mwoyo wangu wakava nekunetsekana ndikava nekudedera chaizvo.

26 Dai tose tafanana nehwai iyi; rakava pipi guru mukati medu.

27 Hama dzangu, handisakamboona kana kunzwa paupenyu hwangu kuti vanhu vaipinda svondo nemhuka kwete.

28 Tingaiteniwo kuti vanhu vaipinda svondo nemhuka kwete.

29 Dai tapa mwoyo tivewo hwai dzakanaka pamberi paMatenga.

30 "Kuone usingatendi pane izvi wakafa achifamba,"rinodaro shoko, vanhu vaMwari.

31 Kuzoti zuva reGore Idzva rasvika.

32 Vanhu vakanga vachifarira kuti tava kuenda muGore Idzva iyezvino.

33 Vaisimuka vachitenda Matenga nekuchengetewa kwavo pagore.

34 Vanhu vakanga vanzi neMutumwa rwiyo runoimbiwa,"NdiBaba, Ndiri Mwana Wako Kana Ndakatadza".

35 Matenga vakati,"Ndabvunza kuna Baba, zvanzi, 'Chemererai matadzo avo ose kuti apfundzwe ose, nekuti tava kuenda muGore Idzva'."

36 Gore rapfuura Matenga vakati,"Vana vangu, munofanirwa kuimba 'Jerusarema Musha Wangu'."

37 Mwoyo wangu waishushikana zvikuru, saka ndakanyora aya mashoko.

38 Nekuti ndakange ndaona mapipi nemapipi, zviratidzo nezviratidzo.

39 Mwoyo wangu wakauya pekuti,Mwoyo wangu wakauya pekuti, "Vaya vakanga vaina Mambo Jesu vakaita nyasha , ko vakanga vaitirweiko?, ko vakanga vaitirweiko?"

40 Vakaimbazve vachiti,Vakaimbazve vachiti, "Tenzi Taungana Muno Mumba MenyuTaungana Muno Mumba Menyu", vakanga vaunganireiko?

41 Pasina here?

42 Vakazoimbazve vachiti:

43 "Watakura kuipa Jesu"; kwakanga kurikuipa kwaaniko? Asi kwakanga kuri kwedu.

44 Vanhu ava vaiimba vaona mabasa, zve mwoyo yavo yakanga yava pamwe.

45 Vakange voziva chavanoimbira nechavakaona.

46 Ko isu tinomuimbirawo tichitii?

47 Vamwe vakaimba vapa rudo .

48 Ko isuwo, tava parudo here?

49 Basa guru riri kuitwa mukati meAfrica bva Africa haisiri kuona kwete.

50 pipi rimwe guru ndere mishonga iyo Matenga vanorapisa nayo pachirwere chimwe nechimwe.

51 Hamushamiswi here nemishonga inobva kudenga? Apo anenge akuda kurapa, anotarira kumabvazuva otambanudza maoko ake opiwa mishonga, zvino otangisa kurapa; kana vapedza kurapa pachirwere ichocho, votambanudzazve maoko avo vakatarisa kumabvazuva voendesa mushonga uya.

52 Inini paupenyu hwangu handisakamboona kana kunzwa munhu anonzi ane mishonga yekurapa inogara kudenga kwete.

53 Hapana ba pasi pano, chete iyeyu Matenga .

54 Tanga takafanira kushamiswa kukuru pane izvi vanhu vaMwari.

55 Mungawane kushamiswa mune izvi zvinyorwa, bva rangarirai zvikuru pane izvi.

56 Shoko rinodaro,"Dai taiziva chipo ichi chatakapiwa, taiziva Baba,"vanhu vaMwari.

57 Topindwa nevashakabvu here kuziva Mutumwa ?

58 Asi isu nanhasi uno hatisati tamuziva kuti ndiani uri munyika.

59 Baba vachakomborera aya mashoko pakuverenga, narini nekusingaperi. Amen.