Matenga Vanofamba Rwendo
1 Zvino kwakati kwapera mazuva matanhatu evhiki.
2 Matenga vakatora rwendo urwo vakanga vakumbirwa.
3 Vakaenda nevanhu vavo vazhinji-zhinji kunzvimbo inonzi yekuNyanyadzi.
4 Pakufamba kwavo vaiimba rwiyo rwekuti,Pakufamba kwavo vaiimba rwiyo rwekuti, "Tenzi TaunganaTaungana" (Dzinde).
5 pipi rakaitika nguva idzodzo ndere kuti, vanhu vasati vaunganapo,
6 Vanhu veikoko vakanzwa kuimba nemutinhimira, vakurumidza kuenda ikoko.
7 Vakasvika voona pasina munhu nemumwe zvake.
8 Asi vanhu ivavo vakadzoka zvavo.
9 Kuzoti Matenga varikutsanangura, vakati vatumwa vakanga vafanoka kuendako ikoko.
10 Zvino vakati ava mangwanani vanhu vazhinji vakaungana vanzwa nemutinhimira wehurukuruZvino vakati ava mangwanani vanhu vazhinji vakaungana vanzwa nemutinhimira wehurukuru "Ishe taungana mumba menyutaungana mumba menyu", idzo dzaitungamirirwa naJohn akanzi ndiNowa neMweya.
11 Neavo vakanga vachida kuona Matenga .
12 Vakanga vachidazve kuona mashura nezviratidzo zvaiitwa naMatenga.
13 Vese avo vakafamba naMatenga vakatanga kuparidza zvinotyisa kwazvo, izvo zvakatyisa nevanhu vakanga varipo.
14 Ipapo vanhu vakatanga kubvunzana pachavo vachiti,Ipapo vanhu vakatanga kubvunzana pachavo vachiti, "Masimba ekuparidza zvakadai vakazviwana kupiko?ekuparidza zvakadai vakazviwana kupiko?"
15 Zvino Matenga vakaziva zvavainga vachifunga mumwoyo mavo; vakauya kubva mumba, vakamira pakati pechita chikuru chakawanda zvikuru.
16 Vakati,Vakati, "Vanhu manzwaka kuparidza kwevamwe venyu vakasangana neruponeso, vakafemerwa Mweya Mutsvene .."
17 "Zvino ndinokudzidzisai kuti ndiri akauya kubva kudenga kuzoponesa Africa."
18 "Anotenda zvandinoreva, neanobvuma zvakaipa zvake zvose pamberi paBaba anoponeswa."
19 "Handina kuuya kuzoparadza nyika kana kutonga, aiwa."
20 "Ndakauyira kuzoponesa."
21 Ipapo vanhu vazhinji vakareurura zvitadzo zvavo zvose vakaponeswa; vamwe vakabviswa mweya yakaipa ipapo.
22 Vese vakadavira zvirokwazvo kuti uyu Muponesi wechokwadi.
23 Zuva iri rakava nekundityisa kwazvo.