Guta Ra Jehova
Lesson 26

Kuvakwa kweGuta Idzva

1 Kwakati rava zuva remangwana racho, Matenga nevanhu vavo naMambo pamwe vakasimuka kuenda paGuta idzva iro rakanga ratsvagwa.

2 Vakati vasvika ipapo vese pamwe.

3 Pakatanga kuvakwa misasa chete.

4 Umo maifanira kugara vanhu. Asi Baba vakavakirwa imba yemahadhipepa ikapera zuva iroro.

5 Munhu nemunhu wese akanga aripo akavamba kufarira zvikuru nebasa guru rakaita Zimunya kupa Matenga nzvimbo yekuti vaitire basa.

6 Mambo vanoti,"Ivo vega neni, zvandityisawo."

7 "Ndakaona vanhu vazhinji-zhinji vakauya kukumbira nzvimbo, vamwe vakauya kukumbira minda yekuti varime, vamwe mabhizinisi kuti vapfume zvavo pasi pano, nezvimwe zvizhinji."

8 "Asi Matenga vandishamisa nekuti vada nzvimbo yokuponesera mweya yevanhu vese; anotenda kwavari anopona narini, panyama nepamweya.vandishamisa nekuti vada nzvimbo yokuponesera mweya yevanhu vese; anotenda kwavari anopona narini, panyama nepamweya."

9 Mambo Zimunya vanotizve,"Ini ndageza maoko angu saPirato akagezera mudhishi, asi ini ndinogezera mumwoyo yenyu."

10 "Kana musingabatsisisi Matenga kana kusadavira mitemo yaMatenga, imhosva dzenyu.kana kusadavira mitemo yaMatenga, imhosva dzenyu."

11 "Ini Mambo ndabvuma kuti Matenga aite basa munyika yangu, kuti tose tione kupona vanhu vaMwari tichiri munyika.aite basa munyika yangu, kuti tose tione kupona vanhu vaMwari tichiri munyika."

12 Rava remangwana Matenga vanoti,vanoti, "Ndaona Zimunya vagadzwa ngundu nenegosana duku chete, asi handina kuona zvigaro kwete, ndaona ngundu chete.chete."

13 Matenga vanoti,"Tasvika kuKenani kune uchi nemukaka."

14 "Takabva munyika yematambudziko."

15 "Ndiyo nzvimbo yandaitsvaga usiku nemasikati."

16 Matenga vakati vamire pakati pevanhu vavo vanoti,vakati vamire pakati pevanhu vavo vanoti, "Uchaziva here iwe Mabarani , naJames, maida kuuraiva kuti ndimi munoda kubvisa Matenga tichiri kuGuta ravo; murikutotsvagwa ndivo vanaHerodhe.tichiri kuGuta ravo; murikutotsvagwa ndivo vanaHerodhe."

17 Matenga vanoti,"Tendai nehurukuru chete."

18 Matenga vanotizve,vanotizve, "Matenga vavhurwa zvino, mushonga waburutswa wose kwazvo"; ndopavanoti,"Pindai muraini ndimurape,Pindai muraini ndimurape," vanhu vose vakarapiwa.

19 Matenga vakanga vazere nemasimba zvinotyisa chaizvo.

20 Kuzoti rava zuva remangwana, Matenga vakati,vakati, "Mambo Mangwende vakatadza kwazvo zvikuru pamberi paMatenga.Mangwende vakatadza kwazvo zvikuru pamberi paMatenga."

21 "Vakanditumira munhu kuti, 'Matenga huya, Guta tavaka kare'.tavaka kare'."

22 "Shoko rataurwa, ndokuendako; akasvika onditandanisazve, nepamusana pemari."

23 "Yaakatengerwa nayo, saka akasvikako nditandanisa, asi mari ine chitama kwazvo."

24 "Vakanditandanisa nenzira yekuda mari chete."

25 Matenga vakati,"Iye zvino vanaHerodhe varikunditsvaga chaizvo."

26 "Kuti ndisungwe ndishaye nzvimbo yekuti ndiitire basa raMwari, ndidzokerezve kwekare, asi Matenga aramba.aramba."

27 Kuzoti nerimwe zuva Matenga vanoti,"Zvanzi naMatenga, vanaHerodhe vakoniwa, hapana nechavachaita."

28 Matenga vanoti,vanoti, "Munhu nemunhu ngaaise pfungwa pakadzama, vana vangu, nekuti Guta rino ndere kupedzisira, hapana achazovaka rimwe Guta zve.zve."

29 Vanhu vaivaka dzimba vachigara mumisasa yavakanga vagadzirwa chasvika ipapo.

30 Chakashamisa ndechekuti hapana vakauya nematemo, kana majeko, kana migwara zvayo.

31 Zviro zvose zvaingoonekwa mavanazvo chete.

32 Vanhu vaishandisa, hazvina kumbonetsa; kana uswa, kana mapango, hazvina nekumbonetsa kwete.

33 Vanhu vainovaka chete, zuva nezuva dzikatangisa kuwanda kwazvo.

34 Pakavawo nekuvakwa kwemba yaMatenga.

35 Vanhu vakatangisa kuuya mazana nemazana kuzoponeswa vachivakawo dzimba dzavo.

36 Chinhu chimwe ndechekuti tinotenda nekuti miti neuswa zvaingonzi,"Temai zvenyu, uswa chekai pemunodira napo."

37 Guta iri rakavakiwa zuva nezuva, vanhu vachivaka.

38 Matenga vaigara vachienda mugomo riripo rinonzi Dangari, vaienda nguva nenguva.

39 Vaiti pamwe masikati pamwe manheru, pamwe kunze kwakuda kuyedza, tainzwa vari mugomo imomo.

40 Vaidaidzira nezwi guru,"YERA!"vanhu vese vaimuka vouya mudivi .

41 Muimbi John Ruze aitanga kuimba, Rwiyo 100Muimbi John Ruze aitanga kuimba, Rwiyo 100 "Tenzi taungana mumba menyutaungana mumba menyu".

42 Matenga vaiuya vakazara nemasimba kana kuti vaine chiporofiti chikuru.

43 Pamwe vaiuya manheru vakazara nemasimba, pamwe mangwanani vachibva mugomo iroro, munotyisa kwirimo vega.

44 Kana munhu mumwe hamungambokwirimo mega.

45 Nazvino vanondokwira vachinotora masimba ekuitisa nawo basa, kana chinenge chatadzika, vanotokwira mugomo, vochichemerera toregererwa naMatenga.

46 Uyu Matenga vanoshingairira mweya yedu siku nesikati kuti veAfrica tiponei tose.

47 Vanhu vakavamba kuuya kwazvo, zuva nezuva.

48 Guta rikakura nekukura dzimba dzikavakwa zhinji-zhinji, kusvika dzikakwana mazana nemazana 1,145 dzimba dzakavakiwa paGuta raJehova mwaZimunya.

49 Imba yaMatenga ikavakiwawo.

50 Guta rakavakiwa nemavhiki mashomanana, rikamira kudaro semufananidzo wamaona.

51 Zvakatyisa nemwoyo wangu.

52 Nekuti pasi pano hapasati pambovakwa dzimba dzakadaro, kana Guta rakambodaro nevakuru vedu.

53 Hamutyiswiwo here neizvozvo vanhu vaMwari?

54 Ndiro Jerusarema rakabva kudenga.