Kubatwazve Musoro Kechipiri
1 Kunoti kana munhu adzokera shure muzvivi, kana ari kumusha kwake kana paGuta, anofanira kunoonana namabarani weGuta, otanga kureururazve semunhu mutsva.
2 Anotangazve kureurura zvese; kana akatadza uri muGuta kana kumusha kwake, anoreurura pamwe nevatsva.
3 Kureurura kechipiri kunoratidza munhu akadzokazve kechipiri mumashure muzvivi.
4 Asi iwe mirairo uchiiziva, ndipo pano saka shoko reVhangeri risingataramukiri kune avo vachiri kuchiva zvenyika.
5 Nekuti ndizvo zvinotirambidza kupinda mukati meDenga kuti tiende mumusha weJerusarema munodyiwa uchi nemukaka.
6 Saka kwakadzikiswa Matenga , ndivo vakauya neMweya Mutsvene wakaburutswa nerudo rwavo.
7 Vanhu vakadzokera shure ndivo vamwe vavo vakaratidza sevakapedza.
8 Ndivo vaya vachine makona, nyanga, vanoroya, vachiri kupomba, vachiri kumwa, vachiri kusvuta fodya; ndivo vanonoreurura vachifunga zvenyika, vasina kurasa ba.
9 Ndivo vaya vanozodudzirwa neMweya kana vadzokera shure; vadudzirwa, ndivo vaya vanozogumbuka.
10 Ndivo vaya vanoti vadudzirwa nechiporofiti vanoti,"Zvaitirweiko?"
11 Nyamba kunamata kwemweya hakuenzani nekwenyama.
12 Zvakadaro nevanoba, nevanoshamwaridzana nechitema munyika; mugumo wavo kufa vachinoraswa.
13 Ndivo vanoshamwaridzana nemishonga nemazango.
14 Nyamba zvawaireurura hazvifanirwi kuti uzvidzokerezve ba.
15 Ndizvo zvinokonzera kudarikira mirairo yaMatenga.
16 Anenge arunzirwa nemadhimoni nemashavi akasiyana-siyana.
17 Madhimoni nemashavi zvinoratidza kuti ndivo vatumwa vaSatani, havana nzvimbo muDenga.
18 Mubairo wavo mugomba remoto risingaperi narini, nekuti havana nzvimbo muDenga.
19 Zvino isu tingafawo here muzvivi izvozvi, kana kuti tinoda kupona?
20 Takanga takomborerwa isu nekuti takaona nzira yekuenda nayo muDenga, isu vakuru nevadiki.
21 Nekuti takapiwa Mununuri anotisunungura muzvivi zvedu zvose; masikati neusiku hakuna zororo kwaari.
22 Vanoti chemererai zvivi zvedu tose kuti tipinde mumusha tose.
23 Kufanana naJesu vakapira upenyu hwavo, kuti vese vakatenda vave neupenyu husingagumi.
24 Uyai tipinde muJerusarema umo munoshevedzerwa naMatenga.
25 Umo mune kudya kutsvene, uko kunodyiwa nevari muDenga.
26 Neni ndakanyora izvi handi kunaka kwete, asi kuyeuchidzana.
27 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa naMatenga muGuta raJehova neVhangeri.