Huchapupu hwaDhokotera Mukuru
1 Uyu Professor C. H. G. Macafee akashanyira Matenga .
2 Anzwa nemukurumbira kuti kune Matenga vakauya, vari kuponesa vese vanodavira kuna iye, vanoponeswa.
3 Asi dhokotera uyu anotaura mubhuku raakanyora rinonzi neChirungu, (Central Africa Journal of Medicine). Kana ukaona iri bhuku unoona chokwadi chemadhokotera ose.
4 Uyu dhokotera anoti iye akashanyira Matenga .
5 Asvika kuzozvionerawo nebasa raishandwapo.
6 Anoti,"Isu takakundikana neBasa raMatenga."Vanoti iye akarapa kwemakore mazhinji, asi zvaakaona zvakamushamisa zvikuru kwazvo.
7 Zvakava nekumutyisa kwazvo."Asi kana paine anoda udhokotera chaizvo, ngaaende kuMatenga."
8 Anoti,"Isu takarapa mumahosipitari mazhinji nedzimwe hosha, tikatadza kudzirapa."
9 "Nevamwe takanga tabvisa zvibereko zvose."
10 "Asi Matenga vakarapa vanhu ivavo, vatakanga tabvisa zvibereko kuti vasazova nevana zve, asi zvino ukaendapo unoona vane vana.vakarapa vanhu ivavo, vatakanga tabvisa zvibereko kuti vasazova nevana zve, asi zvino ukaendapo unoona vane vana."
11 "Asi imi vanhu vatema makakomborerwa kupihwa Matenga .."