Kupfuura kwaMatenga Munyika paChashamba Munyika YaZvimba
1 Zvino hama dzangu, yakanga iri nguva yakaoma, nguva yakanetsekana mwoyo wemumwe nemumwe.
2 Nguva yakachinja denga nepasi, denga rikapenya richitinhira zvaityisa zvisina kumboitika munyika.
3 Zvaiti kana ukatarisa pazuva kana mukati memakore, waiona zvishamiso bedzi.
4 Asi mwoyo wako ndiyo wairangarira kuti yava nguva nyi ko?
5 Pakati paChashamba ipapo nguva yakwana yekuti vakwire kudenga.
6 Pazuva iroro izuva rinokosha, uye izuva rinotyisa; zuva rakange riri zuva ra 25th December 1960.
7 Mumba imomo makapenya, mukatinhira, mukatyisa, mukadzika Mutumwa akataura naGomo.
8 Akati kuna Gomo,Akati kuna Gomo, "Torai Matenga muvaendese kuGuta iye zvino.muvaendese kuGuta iye zvino."
9 Pipi rinotyisa kutaura nengirozi yekudenga; Baba ava ngavarumbidzwe.
10 Zvino denga rose rakatinhira, mvura ikanaya zvakatyisa; denga rose raipenya zvaityisa chaizvo.
11 Vaona kuti Matenga vapfuura chose, vakatangisa kushevedza vachitumira mashoko kune vamwe vana vaMatenga.
12 Zvino vakatora Matenga vakaisa mumotokari yemumwe murume weBulawayo.
13 Zvino vamwe vavo vaibatwa nemasimba, vamwe vaichema, misodzi nemadzihwa zvichisangana pamwe.
14 Vakasimuka nechitunha chaMatenga vakaenda nacho paGuta repaZvimba.
15 Vasati vasvika ipapo motokari yacho yakabva yanyarara yoda kusvika parwizi paya, zvinova vakazoita yekusunda kusvikira vasvike paGuta ipapo.
16 Pakazoungana zviuru nezviuru zvevanhu vakabva mumatirimana ose enyika, kuuya kuzochema Musiki wavo.
17 Zvino Matenga vakavaisa muimba yakanga iripo yaiva nemipanda miviri iyo vakazombosvikira mugore ra1958.
18 Uye zuva iroro rakava shura uye rakava nenji muAfrica, kusimuka kwavo Matenga .
19 Tasara tava nherera bedzi; zvava kwavari ivo Matenga kutitarirawo paupenyu hwedu.
20 Baba ngavaropafadze mashoko avo aya nekusingaperi. Amen.