Kuponeswa KweMuchena Pamberi PeHurumende
1 Akati mangwanani eChina, Matenga vabva Mudivi , vakaenda mudhorobha kunoona D. C. Mudziti.
2 Zvino vasvika, vakapiwa zvigaro vakagara.
3 Chinguvana ichocho pakauyawo mumwe murungu akati,Chinguvana ichocho pakauyawo mumwe murungu akati, "Matenga ungandiponesawo here?ungandiponesawo here?"
4 Zvino Matenga vakati,"Tanga wareurura; ndozvandakauyira zvacho izvozvi."
5 Zvino murungu uyu akareurura zvose zvakaipa zvake.
6 Apedza, vateveri vaMatenga vakatangisa kuimba.
7 Ipapo murungu uyu akabatwa pamusoro, akabva aponeswa ipapo.
8 D. C. zvakamushamisa kwazvo; nevarungu vakanga varipo vakashamiswawo zvikuru.
9 Zvino mukurumbira waMatenga wakazivikanwa nyika yose.
10 Vakagadzirirwa mushonga wemvura, vese vachena vakanga varipo vachizvionerawo nemeso avo.
11 Mune varungu vazhinji-zhinji vakauya kuzoponeswawo hosha dzavo dzakasiyana-siyana.
12 Mumwe murungu akasimuka akati,"Ini handina kureurura zvangu, asi kutendesa basa randaoona pano."
13 "Ndatumwa kubva kuAmerica, zvino ndazvionera ndega nebasa rinoshandwa pano."
14 Akatora mifananidzo mizhinji pamwe neyeGwayana.
15 Mumwe minista wemuchena akabatwa pamusoro kare akaparidza zvakatyisa kwazvo.
16 Pakange pazere varungu nevanhu vatema.
17 Mukuparidza kwake aiti,Mukuparidza kwake aiti, "Ngatinamatei Mwari watirikuona uyu.watirikuona uyu."
18 "Vese, murume nemukadzi anouya kuzoreurura zvitadzo zvake pamberi paMatenga, akatoberekwa patsva."
19 "Tisanyengedzwe nevaya vanoparidza musingareurirwi."
20 "Dai taziva kuti ava ndiBaba tisingatauri nemiromo yedu, asi zvive mumwoyo yedu."
21 "Kana tafa tichaona Matenga .."
22 MuHighfield umu maiti vachena nevatema vese vaibudirwa nemadhimoni, vachiponeswa naMatenga. Amen.