Lesson
6
Zviratidzo Zvebasa Ravo
1 Kwakarwara mwana waChitsunge anonzi Shonha.
2 Kwaiva nen'anga mbiri dzakakundikana kurapa mwana iyeye; akada kufa, dzikatiza.
3 Dzatiza, dzakafunga kuti anofa.
4 Dzaenda, vakasara vakafunga kuti,"Tinoita seiko?"
5 Vakatora mwana vakaenda naye kwaMhundwa.
6 Matenga vakauya kuzonamatira mwana uyu.
7 Kukabuda dhimoni rikati,"Ndiri chikwambo, ndinoda mombe mbiri."
8 Kuzoti dzabviswa mombe mbiri idzodzo, mwana iyeye akabva apona.
9 Vabereki vemwana iyeye nevamwe vakanga varipo vakashamiswa nekuponeswa kwake.
10 Paiti kana zuva rasvika reRuwadzano pachechi, vaiti kana vasimuka kuti vataurewo shoko, kana muteuro wavo,
11 Vamwe vazhinji vaibatwa nemadhimoni; kwaibuda mweya iyoyo yetsvina.