Guta Ra Jehova
Lesson 6

Zviratidzo Zvebasa Ravo

1 Kwakarwara mwana waChitsunge anonzi Shonha.

2 Kwaiva nen'anga mbiri dzakakundikana kurapa mwana iyeye; akada kufa, dzikatiza.

3 Dzatiza, dzakafunga kuti anofa.

4 Dzaenda, vakasara vakafunga kuti,"Tinoita seiko?"

5 Vakatora mwana vakaenda naye kwaMhundwa.

6 Matenga vakauya kuzonamatira mwana uyu.

7 Kukabuda dhimoni rikati,"Ndiri chikwambo, ndinoda mombe mbiri."

8 Kuzoti dzabviswa mombe mbiri idzodzo, mwana iyeye akabva apona.

9 Vabereki vemwana iyeye nevamwe vakanga varipo vakashamiswa nekuponeswa kwake.

10 Paiti kana zuva rasvika reRuwadzano pachechi, vaiti kana vasimuka kuti vataurewo shoko, kana muteuro wavo,

11 Vamwe vazhinji vaibatwa nemadhimoni; kwaibuda mweya iyoyo yetsvina.