Zvisingadiwi muGuta
1 PaGuta raJehova iri pane zvisingadiwi muGuta.
2 Matenga vanoti mune zvirwere zvakasiyana-siyana.
3 Kuone vakaona pipi riri pano vanoziva.
4 Kana mumadhorobha akasiyana-siyana, nenzvimbo dzakasiyana-siyana, munozvinzwa kuti kuroya, kupomba, kuba, kuuraya nezvese zvakadaro, hazvidiwi muGuta.
5 Uchenjere, ufunge chawakafambira pano.
6 Inga hazvidiwi muGuta.
7 Matenga vanoti,"Hamusati mandiziva here nanhasi uno?"Tarisa Johane 14 vesi 8-10.
8 Jesu vakataura kune vadzidzi vake izvozvi kuti,"Hamusati mandiziva here nanhasi, kubvira pakutanga kusvikira nhasi uno?"
9 Asi makanga mauya kuzopona pamwe nekununurwa.
10 Sangano rino haribvumi zvevaroyi, mhombwe, mbavha, vanomwa, vanoputa, n'anga , nezvese zvakaipa hazvidiwi.
11 Ndizvo zvandakatumirwa izvozvi.
12 Dai muchifunga varume nevakadzi, makaparadza mari zhinji-zhinji kwazvo.
13 Asi pane izvi makanga manunurwa.
14 Asi pane izvi makanga manunurwa chaizvo.
15 Vamwe vakaparadza vachinyengedzwa nen'anga, vamwe vachifunga kuti upenyu hwenyika ndiko kunamata Mwari , vasingazivi kuti vari kurasika.
16 Takanunurwa chokwadi vanhu vaMwari.