Guta Ra Jehova
Lesson 43

Zvisingadiwi muGuta

1 PaGuta raJehova iri pane zvisingadiwi muGuta.

2 Matenga vanoti mune zvirwere zvakasiyana-siyana.

3 Kuone vakaona pipi riri pano vanoziva.

4 Kana mumadhorobha akasiyana-siyana, nenzvimbo dzakasiyana-siyana, munozvinzwa kuti kuroya, kupomba, kuba, kuuraya nezvese zvakadaro, hazvidiwi muGuta.

5 Uchenjere, ufunge chawakafambira pano.

6 Inga hazvidiwi muGuta.

7 Matenga vanoti,"Hamusati mandiziva here nanhasi uno?"Tarisa Johane 14 vesi 8-10.

8 Jesu vakataura kune vadzidzi vake izvozvi kuti,"Hamusati mandiziva here nanhasi, kubvira pakutanga kusvikira nhasi uno?"

9 Asi makanga mauya kuzopona pamwe nekununurwa.

10 Sangano rino haribvumi zvevaroyi, mhombwe, mbavha, vanomwa, vanoputa, n'anga , nezvese zvakaipa hazvidiwi.

11 Ndizvo zvandakatumirwa izvozvi.

12 Dai muchifunga varume nevakadzi, makaparadza mari zhinji-zhinji kwazvo.

13 Asi pane izvi makanga manunurwa.

14 Asi pane izvi makanga manunurwa chaizvo.

15 Vamwe vakaparadza vachinyengedzwa nen'anga, vamwe vachifunga kuti upenyu hwenyika ndiko kunamata Mwari , vasingazivi kuti vari kurasika.

16 Takanunurwa chokwadi vanhu vaMwari.