Matenga Vanotsanangura
1 Matenga vanoti,"Nhasi hakurapiwe nekuti kunze kwatsvuka ropa"; kukaratidza nemakore akanga akatsvuka mukati memhute.
2 Varikutaura nemaererano nekuburitswa kwaJesu vachiendeswa kuIjipita, sezvo takaverenga muBhaibheri tose nyaya iyoyo.
3 Matenga vanoti,vanoti, "Vanhu vese vari pano vanoziva pipi riri pano.riri pano."
4 "Nemwana akaberekwa pano, anonzi Aroni, uyo pasina naani anoziva rudzi rwake."
5 "Zvanzi naVaJehova, motokari dzarega kumacha dzandakamupa."
6 Matenga vanoti,"Ko asina kuona mwana uyu Aroni ari pano?"
7 Akaratidzwa vanhu vese, takamuona tose.
8 Asi kune vamwe vana vari kutaura vari vadiki kwazvo; pipi raVaJehova rinoshamisa.
9 Motokari dzatorwa dzakaita mudururu nemidhudhudu.
10 Guta rakatinhira kwazvo, zvikashamisa munhu nemunhu akanga aripo.
11 Dzaitenderera Divi , dzichienda kugedhi, dzichidzoka, kuratidza upfumi hwaMatenga.