Kuuya Kwepipi RaVaJehova
1 Kubvira pekutanga kare izwi rakabuda rikataura asi riri munhu; kubva nanhasi, izwi rakabuda rikataurawo sepekutanga.
2 Vanhu vaMwari, iri ipipi guru rakaitika kuti vanhu zvimwe tingadavire pane izvi.
3 Kunoti nerimwe zuva Matenga vanoti,vanoti, "Pano paita pipi , ndaona makomo nemiti zvichitaura nekuti VaJehova vatsamwa nekusashandisa miti iyoyo., ndaona makomo nemiti zvichitaura nekuti VaJehova vatsamwa nekusashandisa miti iyoyo."
4 "Udza vanhu vako kuti kuno hakuuyiwi nemunhu anezvivi kwete."
5 Nerimwe zuva Matenga vakaenda mugomo, vakashamiswa ibwe richitaura; Matenga vakabvunza izwi iroro vachiti,"Ndimi aniko?" Rikati,"Ndini ibwe asi ndini Baba."
6 Ibwe rikati,"Ko vanhu vako vanopokana seiko?"
7 "Vasingatendi mashura nezviratidzo izvi zviri pachena."
8 Kuzoti Ivo Baba izwi ravo razobuda zvino muGuta richitaura pacharo.
9 Vanoti,Vanoti, "Ndakauya kuti Africa yose ione ruponeso yose.yose."
10 "Ko hamutendi neiko?"Pane zvizhinji zvakaitwa navo paGuta ravo.
11 Vakanamatira vanhu vega, vakarapa naMatenga wavo.
12 Varikuita zvinotyisa kwazvo Mudivi imomo; vamwe vakabatwa nemasimba anotyisa kwazvo.
13 Paiti vanhu vachiimba, paibuda nemadhimoni mweya yakaipa ichiti,"Tinoda kureurura."
14 Aiti abuda,"Tinoda vamwe vedu vatinofamba navo usiku."
15 Pakabudazve rimwe pipi rekuti ipapo varoyi vaisarudzana vachizivisa pavo vega nekuti masimba aBaba akanga awandisa ipapo.
16 Vasarudzana ava varoyi vakati,"Uyu ndiwo musangano wedu wevaroyi."
17 Zvinodaro vanhu vaMwari, nemusi wekuguma, vakaipisisa vachamira rutivi rwavo vega, vakacheneswazvewo vachamira rutivi rwavowo vega.
18 Kwakabudazve pipi rimwe renjuzu dziya dzakabviswa dzaiita basa rekutora vanhu, VanaMachingura naMasairire, vakapangidzawo basa ravo nevakabudiswa vese vakataurawo.
19 Zvapera, kwakauya pipi rimwe revekudenga, vatumwa vazhinji-zhinji vakabuda muvanhu.
20 Takaparuka nehana tose, nemasimba akanga anyanya kuwanda; tikagadzikwa pasi tikarapiwa kutsigiswa hana dzedu tose, nekuti taizokuvara nekutyiswa pane izvozvo.
21 Izwi ravo rotaura nezviratidzo, takazvioneswa; bva pamusana pekutadza kwedu isu, saka Ivo votaura voga.
22 Saka Matenga vanoti,"Ini ndinoda kuratidza basa rangu panyika."
23 "Kana naJesu vakaita zviratidzo zvavo asi vanhu vaipokana zve."
24 "Nanhasi ini ndinofanirwa kuitawo zvangu zviratidzo zvebasa rangu."
25 "Zvandinenge ndanzi naBaba ita, ndizvo zvandinofanirwa kuitawo."
26 "Handizoregi kuitawo zviratidzo zvandakauyira zvacho."
27 "Yakwana nguva yekuratidza basa raBaba vangu."
28 Tarisa VaRoma 10: 19-21.