Guta Ra Jehova
Lesson 10

Kuwanda Kwevanhu

1 Vanhu vazhinji vakanzwawo nemukurumbira kuti kwaSeke kune Muponesi .

2 Anoberekesa mhanje dzemakore, dzakanga dzisina vana, nevanorwara vanoponeswawo.

3 Vanhu vakatanga kuwanda... vakavaka dzimba dzakasiyana-siyana nenzira yekukura kweBasa raMatenga.

4 Ava vanhu vakanga vaona chokwadi chavakatumiwa, nekuti mapofu akaona, zvirema zvakasimudzwa, mbeveve dzikataura, nezvimwe zvirwere zvakasiyana zvikaponeswawo naMatenga.

5 Mushure meizvozvi kukauya kuuchikwa kwevanhu.

6 Nyika yose ikazvinzwa izvi, chokwadi cheMatenga.

7 Sekuponeswa kwavakanga vachiitirwa naMatenga. Vanhu vakaungana kwazvo.

8 Varungu vanzwawo izvi vakauyawo, makaradhi, nemaIndia, nekuti vakanga vanzwa ruponeso , vakanoponeswawo.

9 Vakatenda basa raMwari. Nekuti vakanga vanzwa mukurumbira wenyika yose.

10 Ndudzi nendudzi dzakauya kuruponeso, nekuti vakanga vanzwa chokwadi cheMatenga.

11 Ngosi yeGoromonzi naSeke vakagara zvigaro zvavo, nekushamiswa nebasa rakanga richiitwa naMatenga, vakauya kuzorionawo.

12 Vakatenderana neBasa raMatenga.

13 Nerimwe zuva Ngosi yeGoromonzi yakauya kuzobvunza kuti,"Unobva rini pano?"

14 Matenga vakati,"Ndinozobva pano kana akandituma azoti chibva pano."

15 Ndipo pakanzi neNgosi,"Chiita zvako basa rako, rakanaka kwazvo."

16 "Nekuti hapana chataona chakaipa kwauri, zvese zvataona zvine upenyu chaizvo."

17 Amai Ema Nyamushanya vakatevera vanzwawo izvi, zvikavashamisa chaizvo, nehandzvadzi yavo.

18 Vavapo vakati,"Tauya kuzokutora."

19 Matenga vakati,"Handichaendi nemi nekuti ndava kuita basa rangu."

20 "Zve handingachasiyi vanhu vakawanda vakadai vatovaka dzimba, vese ava vakauya kuzoponeswa."

21 "Nekuti ava vakanga vachifunga kuti vanozorwarazve sezvavakanga vachiita kare pakutanga kwazvo."