Guta Ra Jehova
Lesson 108

Njiva Yakashamisa muGuta

1 PaGuta apa pakauya njiva yakanga isingazikanwi kwayakanga yabva.

2 Pakati nerimwe zuva, mangwanani eSvondo, Matenga vanoti,"Paita musangano mangwana."

3 Zvino vanhu vafuma muka, vakatora zvigurangu zvemashizha vachikandira Mudivi makanga muine mumvuri.

4 Matenga vakauya vakapfeka mbatya dzeMweya Mutsvene chena, dzakanga dzakachena sechando.

5 Tava Mudivi , Mutumwa anoti,"Paita zviziviso zvikuru nhasi."

6 "Vatumwa vazhinji vari muno nhasi; vakawandisisa kwazvo."

7 Pakarepo Baba vakati,"Mozisi, enda unotora njiva iya akauya nayo"; tikazvionera.

8 Baba vakati,"Apo yakauya, yakafukidza imba yangu nemapapiro ayo."

9 Chaishamisa njiva iyo ngeichi: apo Gwayana raifamba rwendo,

10 Kana kuuya muGuta, yaiperekedzawo nekuzochingurana navo. Njiva iyoyi yaitarirwa nevakomana vaviri ava, Mozisi naAroni. Zvikomborero kana tatevera mirairo yeGwayana. Amen.