Njiva Yakashamisa muGuta
1 PaGuta apa pakauya njiva yakanga isingazikanwi kwayakanga yabva.
2 Pakati nerimwe zuva, mangwanani eSvondo, Matenga vanoti,"Paita musangano mangwana."
3 Zvino vanhu vafuma muka, vakatora zvigurangu zvemashizha vachikandira Mudivi makanga muine mumvuri.
4 Matenga vakauya vakapfeka mbatya dzeMweya Mutsvene chena, dzakanga dzakachena sechando.
5 Tava Mudivi , Mutumwa anoti,"Paita zviziviso zvikuru nhasi."
6 "Vatumwa vazhinji vari muno nhasi; vakawandisisa kwazvo."
7 Pakarepo Baba vakati,"Mozisi, enda unotora njiva iya akauya nayo"; tikazvionera.
8 Baba vakati,"Apo yakauya, yakafukidza imba yangu nemapapiro ayo."
9 Chaishamisa njiva iyo ngeichi: apo Gwayana raifamba rwendo,
10 Kana kuuya muGuta, yaiperekedzawo nekuzochingurana navo. Njiva iyoyi yaitarirwa nevakomana vaviri ava, Mozisi naAroni. Zvikomborero kana tatevera mirairo yeGwayana. Amen.