Mapipi NeZviratidzo ZvaMatenga
1 Hama dzangu, zvandakanyora izvi zviri muidi, nekuti ini ndakazvionera nemaziso angu ndikazvinzwira nenzeve dzangu.
2 Kuone vakaona izvi vakadavira zvavo mapipi nezviratidzo zvaMatenga, vakakomborerwa zvavo.
3 Aya mapipi nezviratidzo zvakanga zvichibudiswa apo Matenga vakanga vachiita basa ravo iro ravakauyira.
4 Nemabasa chete akaitwa naMatenga zvakatiratidza kuti uyu ndiBaba.
5 Nemabasa avakanga vachiita nguva dzose.
6 Bva nemabasa aya nemamwe mazhinji asina kunyorwa umu,
7 Kune zvizhinji zvechokwadi takaponeswa panyama nepamweya. Zvakaitwa zvisina kunyorwa zvimwe zvacho ndezvizvi: 1. Mukadzi akamutswa naMatenga afa aiva nedenda rekubuda ropa muHarare. 2. Mweya yakaipa, madhimoni, inobviswa ichibuda ichitaura mhosva dzayo kana yakanga yabuda. 3. Kubuda kwenyoka muura hwemumwe mukadzi ari kurapa ikaratidzwa muHarare. 4. Kwakati mvura yauya nesimba, Matenga vakasimudza ruoko chete ichibva yarega kunaya. 5. Mwana akagara pasi ega achiri kuvamba kuberekwa. 6. Hosha dzose dzakasiyana-siyana dzinobatwa dzichirapwa neruoko rumwe chete. 7. Mwana akaberekwa asina rudzi, akatozoitwa musikana naMatenga. 8. Mhanje dzemakore dzakabereka vana dzarapwa neruoko chete. 9. Vakanga vabviswa zvibereko vakabereka vana. 10. Mvura inoshandurwa ichiva mushonga pachirwere chimwe nechimwe chakasiyana. 11. Zvifananidzo zvevanhu vapenyu zvaibuda pavanhu semadhimoni. 12. Kutaura kwevana vari mudzinhumbu zvikonzero zvevabereki vavo. 13. Mwana akapiwa mishonga nasekuru vake akafa. Akadzoka otaura pana sekuru wake, achiti vana vemweya havapiwi mishonga yenyika. 14. Vatumwa vakaimba mugomo vanhu vari muchechi,vakasimudza ruoko chete ichibva yarega kunaya. 5. Mwana akagara pasi ega achiri kuvamba kuberekwa. 6. Hosha dzose dzakasiyana-siyana dzinobatwa dzichirapwa neruoko rumwe chete. 7. Mwana akaberekwa asina rudzi, akatozoitwa musikana naMatenga. 8. Mhanje dzemakore dzakabereka vana dzarapwa neruoko chete. 9. Vakanga vabviswa zvibereko vakabereka vana. 10. Mvura inoshandurwa ichiva mushonga pachirwere chimwe nechimwe chakasiyana. 11. Zvifananidzo zvevanhu vapenyu zvaibuda pavanhu semadhimoni. 12. Kutaura kwevana vari mudzinhumbu zvikonzero zvevabereki vavo. 13. Mwana akapiwa mishonga nasekuru vake akafa. Akadzoka otaura pana sekuru wake, achiti vana vemweya havapiwi mishonga yenyika. 14. Vatumwa vakaimba mugomo vanhu vari muchechi, "Ishe TaunganaTaungana" Rwiyo 100; pipi guru. 15. Mwana wakaporofitwa achiri kubarwa kuti anozotaura. Akataura achiri mudiki kwazvo, saizvozvo. 16. Yunifomu yakaporofitwa yemateneti neyezvikabudura, zvinoreva kuti imbatya yemweya inopfekwa. 17. Vanhu vakanoburitswa murukova runonzi Dhevure vakapinda muMusha, pipi guru. 18. Mweya yevatumwa yaidzika ichipinda muhana dzevanhu vapenyu. 19. Gehena rakadzimwa, Satani akapiwa Guta rake. 20. Satani akataura Mudivi nebasa rake iro raanoita pasi pano nguva dzose. 21. Ngosi dzakauya kureurura dzava vatumwa. 22. Kurapa kunoita Matenga kunoshamisa kana wakuona. 23. Hama dzangu ndatogurisira zvangu kune zvizhinji zvakaitwa izvo ndisina kunyora. 24. Matenga vakaita basa guru kwazvo iro ndisina kunyora rose. 25. Kuone uchazvifunga zvose izvi nezvaakadzionerawo zvake achava nerukomborero rukuru kwazvo. 26. Ndiwo mabasa akaita Matenga pasi aya. 27. Kana ukafunga zvose izvi, uchinatsa kudzikisa pfungwa pakadzama. 28. Uchizvibvunza kuti izvi zvataurei? 29. Uchiedza kutsvakisisa papfungwa dzako. 30. Uchaona kuti ava ndiBaba zvechokwadi kuponesa kune vanotenda zvavo. 31. Rimwezve pipi nderekuti murume akagara makore gumi nematanhatu aine chirwere chemunhumbu. 32. Zuva rimwe Matenga vakanamatira mvura yemushonga. 33. Murume uyu akaitorawo akainwa. 34. Ndokubva arutsa nyoka iya yaimunetsa muura make pamakore aya ose. 35. Munofunga kuti dai asiri Matenga angadai akapona here? 36. Vanhu vaMwari, zvizhinji zvandakaona zvishamiso. 37. Kune vamwe vakava nemazita anotyisa asi vakatamba nawo, vakada zvenyika. 38. Kune varume ava VaMhundwa naVaNyamandura, naJohn vakanzi ndiNowa nekuimba kwake, nevamwe vazhinji vaishandira Matenga kwazvo. 39. Nekuparidza kwavo kwaityisa kwazvo. 40. Pakutaura shoko raMwari. 41. Unenyota yezvese zvandanyora izvi. 42. Ngavauye paGuta raJehova achazvionerawo ega, pasina kutaurirwa kwete. 43. Ini ndinotyiswa nemabasa aMatenga anoitwa munyika. 44. Aya mazwi ngaave anokomborerwa naMwari ose, muzita raMatenga, muzvokwadi.