Guta Ra Jehova
Lesson 88

Kuuya KweMadzimambo Mana muGuta raVaJehova

1 Kuuya kwemadzimambo muGuta raVaJehova kwakava nekutyisa kwazvo.

2 Ndakanzwa Baba vachiti,"svondo rino, madzimambo mana achava muGuta nemusi weSvondo."

3 Vaiva Mambo Zimunya, Mutasa, Maranke, naChidara; vanhu vanzwa kudaro vakava nekufara zvikuru kwazvo.

4 Nekuti chinhu ichocho hachisati chakamboitika munyika kwete; tsungano yaMatenga inoshamisa kwazvo.

5 Chido chemadzimambo aya chakanga chiri chekuda kuona Guta nekuona zvebasa rinoitwa naMatenga.

6 Nekudya kwavo kwakanga kwagadzirwa nevakomana vemaMutare.

7 Kuzoti zuva reMugovera rasvika manheru, tichiti madzimambo anouya remangwana acho.

8 Manheru iwayo vanhu vapinda Mudivi , tikarapiwa; kuzoti Gwayana rapedza kurapa.

9 Vanhu vakatanga kutenderera Chigaro chine Upenyu sezvinoitwa kudenga.

10 Pakarepo Gwayana rakasimuka pachigaro richimhanya apa neapa riri mukati mehwai dzaRo.

11 Matenga vakanga vazere nemasimba eDenga.

12 Vanodaro Matenga ,, "Manga muchipakiwa masimba eDenga kuti musangane nemadzimambo zuva guru ramangwana.eDenga kuti musangane nemadzimambo zuva guru ramangwana."

13 Zvakava nekutyisa kwazvo; zvanga zvisina kufanira kuti isu tisangane nenguva dzakadaro; tsitsi dzeMusiki dzinoshamisa kwazvo.