Guta Ra Jehova
Lesson 118

Kutyisa Kwerufu RweMutumwa WeDenga, Pipi Guru

1 Parufu rweMutumwa weDenga rwakatyisa aninaani akanga ari muGuta panguva idzodzo.

2 Mutumwa Johane akanga auya kuzonyora zvivi zveumwe neumwe, muGuta nemudzirwendo idzo dzakanga dzichifambiwa neGwayana raMwari.

3 Pipi guru; afa akamukazve mazuva matatu mumweya, kwete panyama asi mumweya.

4 Pakaitika musangano unotyisa kwazvo, wemabhachi matema nemikwakwa ye GRJ ikapfekwa.

5 Zvino zuva iroro vanhu vakanga vachiparidza zvakanga zvichityisa kwazvo.

6 Baba vakati,"Mangwana munofuma makapfeka zvichena."

7 Vakati,"Zvamakanga mabvira pamhiri zviye, makanga mava kuenda mose vanangu."

8 "Makanga makuda kunosangana nevari kumakomo vanga vakatsvuka-tsvuka ropa, vauya kuzoona musangano uyu."

9 Baba vakati,"Ndavabvunza kuti ndiani wamakwezvera ikoko?" Zvikanzi,"Ndiye Johane wacho."

10 Kuzoti zuva remangwanani acho, takafumamuka tikatenderera Guta rose semazuva ose.

11 Tava Mudivi , Baba vakauya vakapfeka mbatya chena.

12 Vakati,Vakati, "Chiziviso mese munochiziva necherufu rweMutumwa weDenga, pipi guru.guru."

13 Zvino vasvika muGuta revadzidzi, vakanzi,"Ko wauya, bhuku riri kupiko rakaburuka munyika?"

14 Mazuva iwayo akatyisa kwazvo muGuta, vanhu vaMwari.

15 Iri pipi rakatyisa kwazvo reMutumwa Johane, akanyora kudarika kwedu kwose.

16 Ini mwoyo wangu wakadzamirwa pane pipi iroro, vanhu vaMwari. Amen.