Guta Ra Jehova
Lesson 180

Chishamiso Chakasiya Baba Munyika

1 Chishamiso chakasiya Matenga munyika, vanhu vakanga vari muGuta nevakanga vari munyika.

2 Asi zvikanzi Guta ravo nebasa ravo rafa, sezvo ivo vakati,ravo nebasa ravo rafa, sezvo ivo vakati, "Iri Guta ndiro rekupedzisira, handichazovaki rimwezve.ndiro rekupedzisira, handichazovaki rimwezve."

3 Tose takakanganwa kuti Matenga vakataura pachena kuti,"Basa rangu harichafi, inga rakuru zvakadai."

4 Vakati,"Nyangwe ndopfuura munyika, basa rangu harichafi kwete."

5 Mukati meGuta umu vanhu varikupona bedzi.

6 Nanhasi, kana ukasvika muGuta raBaba muJerusarema maZimunya.

7 Mhanje dzemakore unodziona nevana vadzo, dzichichirira, dzichikudza Musiki wadzo wedzakaona.

8 Kwete kuchaswera dzichichanyengedzwa, neizvi neizvi, havachada, nekuti havana kutaurirwa; vakamuona Musiki pachokwadi.

9 Mhanje idzi dzirikubereka vana ve 7 makore, 8 makore, va 9 ne 10 makore; vachanoberekwa bedzi, sekutaura kwavo Matenga .

10 Hapana chinorambidza, kushingirira hakunyadzisi; pakadaro Baba.

11 Nanhasi uno parikuzvarwa bedzi muGuta pana vemweya; vatokwana mazana matatu anoraudza (300), nanhasi vari kuzvarwa.

12 Vana vemweya ava pakatozvarwa Matenga vapachigaro, ndivo vana vemhanje dzepaishingaira pasi pezuva vakashaya nezororo.

13 Rimwe pipi rekutanga nderekuuya kwevanhu vatsva muGuta svondo nesvondo.

14 Hatizivi kuti unovakoka ndiyani, asi Matenga bedzi.

15 Chishamiso, uye zvakaoma kuti munhu asunge mukwende yake nemhuri yake.

16 Kuti abve munyika kuti azouya kuzopona, asi muridzi asisipo panyama; zvakaoma, uye zvinotoda kuisa pfungwa pakadzama, vanhu vaShe.

17 Pipi rimwe rechipiri nderevanouya vakatwarwa, vachirwara zvakanyanya.

18 Asi vasvika pagedhi muGuta voreurura bedzi pana mabarani wopona.

19 Wozosara wopinda mukati meGuta watopona, wotochirirawo sevamwe varimo.

20 Pipi rimwe rechitatu ndere rufu muGuta; hamusisina, isu tinototi Matenga vakatakura rufu rwose.

21 Mukati meGuta iri reJerusarema, kukudza Musiki bedzi ndihwo upenyu.

22 Taifanira kuvakudza Baba vedu ava nekuti vakashanda basa rinotyisa chaizvo.

23 Pipi rimwe rechina nderekuvakwa kwakaitwa Gambinga, Chiroza, muGuta kunoshamisa kana wakuona.

24 NeGuta rinogara rakachena nguva dzese dzese zvavaita zviya Matenga vachiri panyama.

25 Uye nekusimbirira kuda Guta kunoita vanhu kunoshamisa.

26 Nekuti vanoziva kuti ndimo mudziva mune upenyu hwavo bedzi.

27 Takati tadzoka muGuta, Matenga ava vakaonekwa nevanhu vazhinji-zhinji.

28 Vamwe vakavaona vari pazuva, vamwe vakaona bhokisi ravo richiuya nepamusoro peNgarava yavo richitenderera.

29 Vamwe vakaona Matenga vachiuya muGuta vari pagore, vachiuya pamusoro peNgarava yavo.

30 Irori ndiro Jerusarema remukati meAfrica ravakashingaira nega Baba; saka vakati,"Vana vangu, iri indandarasi."

31 Vamwe vanhu vaiona Matenga ava vachifamba paNgarava yavo nemaziso avo enyama.

32 Chinhu ichi chikuru, uye tisakachenjera tinopera ndicho.

34 Izvi zvakaratidza kuti Matenga Mweya, kuzadzisa shoko ravo riye ravakataura.

35 Asi chimwe chinhu ndeichi: kudzoka kwakazoita vanhu kubva kwaZvimba.

36 Pakati pemaboka aya havana kuzozwana kwete, kusvikira nanhasi uno.

37 Zvino ipapo zvava kuMatenga kuti ndivo vachagadzirisa voga, sezvo vakambovako; kani wani vakanga vavaita chinhu chimwe.

38 Baba ngavaropafadze aya mashoko nekusingaperi. Amen.