Guta Ra Jehova
Lesson 63

Rufu rwaDhenisi Akabva Jobheki

1 Uyu murume anonzi Dhenisi akarwara zvikuru kwazvo ari kumusha kwake; akapedza gore achirwara.

2 Kuzoti ataurirwa neIbwe kuti aende kuMatenga, ari kumusha kwake kuSouth Africa.

3 Akabva ikoko akaenda kuBulawayo; akataurirwazve neIbwe kuti aende kuMutare ndiko kune Muponesi ; akaitawo saizvozvo.

4 Asvika paGuta reRuponeso, akaonana naMatenga.

5 Akareurura zvitadzo zvake zvose zvaaiita ari munyika pamberi paMatenga.

6 Asi nguva yake yakanga yaswedera yekuti apfuure munyika.

7 Kuzoti zuva rekuti apfuure munyika, akapfuura.

8 Matenga vanoti,"Ndaona magedhi azarurwa ese; apinda muMusha muJerusarema, zve apiwa nzvimbo huru."

9 "Ndiye apiwa kiyi dzemba yangu; iyeye anga achida kupiwa nzvimbo huru zvino nekuti haana kuenda kuJorodhani nekungundu."

10 "Ndiye anofamba nevakuru vakuru muGuta imomo."

11 "Zvino anzi zita rake ndiJobho, rekupinda naro muGuta rangu."

12 Iye akatenda vanhu, akatakura mutumbi wake kuguva.

13 "Zvirokwazvo vana vangu ndinokuudzai kuti apinda muMusha ari muGuta; (Pitorosi naMariya), uko ndikokuti varume nevakadzi, kuone anoteerera zvandinotaura nekuchengeta mirairo yangu, ndiye andichazoenda naye muMusha werufaro, nekuti haazoone rufu kwete."

14 Matenga vanoti,"Makakomborerwa makaona izvi muchiri vapenyu."

15 "Zvenyu vana vaJehova vakakokwa kuruponeso."

16 Mwari ngaakomborere mashoko aya nekusingaperi kumwe nemumwe ari pano, agare matiri kusvikira mukufa.