Madhimoni Akasungwa Zuvaro
16 Kuzoti rava svondo remasikati, zuva rodakuwira.
17 Matenga vanoti,"Nhasi vanhu vanoda kusungwa madhimoni, mweya yetsvina."
18 Vanhu vakaenda kunosungwa mweya yakaipa kumba yekusungirwa mweya yakaipa.
19 Vakawanda zvakanyanyisa, zveunozoona kuti zve munhu hazoperi zve.
20 Asi zvinoshamisa kuti, kanguva kashomanana katopera kusungwa madhimoni iwayo.
21 Vamwe vaibudirwa ndivo, vamwe vaitiza.
22 Vanzwa kupisa kweruoko rwaMatenga; ndakaona vanhu vazhinji-zhinji vachibviswa mweya iyoyo.
23 Ndiyo mweya yakauyira Matenga pasi pano kuzotinunurai isu vana veAfrica, kuti tiponeswe tose muzvivi zvedu.
24 Yapera kubviswa, vanhu vakabva vaendeswa kuJorodhani zuvaro, kunogezwa zvivi zvavo zvose.
25 Izvo zvakanga zvichivakonza kuti vaite mabasa ose akaipa munyika.