Musangano Wengundu Yemasoja muGuta
1 Yakanga iri nguva yeHorede apo Matenga ivo VaJehova vakanga vari kuita basa ravakabva naro kudenga.
2 Vanhu vakanga vaungana muGuta zvinotyisa chaizvo.
3 Akanga ari mangwanani eSvondo, apo Matenga vakati,"Vana vekuMabasa, simukai muende muraini."
4 Zvino vagara muraini, Baba vakati,Zvino vagara muraini, Baba vakati, "Vana vangu, nhasi Baba vati munofanira kunotora Umambo hwekudenga.hwekudenga."
5 "Kwete dziye dzinogadzwa munyika."
6 "Ngundu idzi dzakanga dziri dzeupenyu husingagumi.idzi dzakanga dziri dzeupenyu husingagumi."
7 Vanhu ava vakaendeswa kugomo ikoko, kuti munhu umwe neumwe anovhurirwa zvityiswa.
8 Kuti umwe neumwe azvionere kuti chokwadi uyu akabva kudenga haasiri munhu kwete asi ndiMwari.
9 Masoja aya vakuenda vakanotora zvigurangu; umwe neumwe wavo vakange aine chigurangu muruoko rwake.
10 Vari kuenda vakanga vachimacha sevari kuenda mukati meDenga.
11 Vakanoswera variko sezuva riye rakakwira mugomo Ishe Jesu naPeta naJohane.
12 Vamo vakavhurirwa denga vakaona Ishe Jesu naMosesi naEriya varikutaurirana.
13 Asi chishamiso neichi: muriko munoswera muchivaona vari vatatu, nevatumwa vese veDenga.
14 Kana ukadzikisa ndangariro dzako kwakadzama unozviratidzwa.
15 Nemaguta ose ekudenga munoaona, kuzadzisa chokwadi cheGwayana, nezvizhinji zvandisina kunyora.
16 Kuzoti vaswera variko vachiratidzwa upamhi hwaMatenga, vakazotorwa neVavhangeri.
17 Ikoko vakaswera vachipupura tsamba yakanyorwa kuna Johane nezvavakanga vachiratidzwa.
18 Tsamba iyi inoti:Tsamba iyi inoti: "Mwari vakadisa nyika vakatumira Mwanakomana wavo pasi kuti aninaani anotenda kunaiye haazofi asi anozova neupenyu husingagumi.vakadisa nyika vakatumira Mwanakomana wavo pasi kuti aninaani anotenda kunaiye haazofi asi anozova neupenyu husingagumi."
19 Musangano uyu wakatambirwa zvinotyisa chaizvo.
20 Vanodaro Matenga ,"Vana vangu munoti kutamba kwenyu here? Asi kutoti manga makagarwa nevatumwa veDenga."
21 Pakanga pakaungana vanhu vazhinji kwazvo vakanga vabva mumatiri mana ese enyika, akasvikira paine musangano wengundu.
22 Kuzoti zuva remangwana acho, vanhu iva vakaswera vakapfigirwa vachiratidzwa chete.
23 Zvino mukati mevanhu ava sandi vese vairatidzwa upamhi hwedenga.
24 Vamwe vavo vaisimuka vachizvipupurira kuti,"Ini ndaratidzwa rufu,"vamwe ngozi , vamwe huroyi hwake, vamwe hupombwe nezvimwe zvakasiyana-siyana.
25 Vamwe vaishaya kuratidzwa nepamusana pezvifananidzo zvakanga zvakavagara, vanodaro Matenga .
26 Ndizvo zvaita kuti vasaone ukuru hwaVaJehova vakauya munyika.
27 Kuzoti zuva reChitatu racho takafuma muka tikapinda Mudivi .
28 Rakanga riri zuva guru kwazvo iro vakapiwa chipikirwa negoridhe.
29 Vachigezwa makumbo, maoko, nemakotsi avo naMatenga.
30 Sezuva riye rakageza Ishe Jesu vadzidzi vake. Tarisa Johane 13: 1–20.
31 Nhasi Matenga vanodaro vanenge vaenda kunotora Umambo hwekudenga.
32 Ipapo Gwayana rakanga rakapfeka nguwo tsvuku dzeropa, dzakanga dzichityisa kwazvo.
33 Zvino rakateurira mushonga wemvura, kuti umwe neumwe ageze maoko ake apo aine achizobatana maoko nevakanga vagadzwa zviremba zvekudenga.
34 Pakarepo Baba vakati,Pakarepo Baba vakati, "Umambo hwapiwa vaya vakanga vasina kufanira munyika iyezvino.hwapiwa vaya vakanga vasina kufanira munyika iyezvino."
35 Ngundu iyi yakatyisa kwazvo yemasoja vakanga vakapfeka mikwakwa yekudenga.
36 Musangano uyu wakatyisa kwazvo nekuti takagara munyika hakuna vakambopiwa zviremba zvekudenga kwete.
37 Asi bedzi Musiki auya, zvose zvakaitwa pachena zvikava nekuzikanwa.
38 Saka nhasi uno zviri kuitwa kudenga ndizvo zvirikuitwa pasi pano muJerusarema, Guta reMweya.
39 Tingachengeta seiko zviremba zvekudenga izvi hama dzangu?
40 Dai tanga taisa mwoyo yedu pasi petsoka dzaMatenga, Ivo havazotisiyivo paUmambo hwavo hweDenga. Amen.