Kutangisa Kwavo Basa
1 Vari pamusha pavo pavakaberekwa mwaMambo Chitsunge, Sabhuku Madindi.
2 Munyika yeBuhera.
3 Ndipo pavakatanga kuita basa; vaipota vachienda mugomo riri ikoko, vachirara varimo vachinamata, vachizoenda ikoko.
4 Vaizoenda kumakomo aya maviri.
5 Ndipo pavaiti mazuva mamwe vaiswera vari mumba vasingatauri nemunhu kwete.
6 Ndipo pavaipota vachinamata zvikuru, vachipihwa masimba naJehova.
7 Nekuti vaJehova vakanga vavaudza kuti varwarisa zvakanyanya, zveropa ravo rava shoma.
8 Nemwoyo wavo wakanga uri mudiki chaizvo.
9 VaJehova vakanga vabhandeja mwoyo wavo.
10 Saka vakanga vasingabvumirwi kutaura nevanhu kwemazuva.
11 Mazuva iwayo vaiswera vachiratidzwa zviratidzo.
12 Ndiyo nguva iyo vaiswera vari mumba vachiratidzwa zviratidzo, nenguva yavaienda mumakomo, vachipihwa masimba ekuzoita nawo basa ravo.
13 Ndiko kuuya kwavo munyika Mweya Mutsvene .
14 Mumakomo imomo ndimo mavaipihwa masimba avanorapa nawo.
15 Vapihwa masimba iwayo, vakafamba vachirara mudzimba pavanenge vadaidzwa pane anorwara.
16 Vakatanga kuponesa mudzimai waChitsunge.
17 Nevamwe vanhu vakaponeswawo.
18 Ishe Chitsunge vaona izvi, vakavatora ndokuenda navo kuhofisi.
19 Vasvika ipapo, iye Chitsunge ndokutsanangudza basa rekuponesa vanhu zvavanga vachiita.
20 Ngosi yepapo ikati,"Ndafara zvikuru, zvakafanira kuti vaite zvavo pavanoda napo."
21 "Unofanira kuenda zvako kwaunoda, ini ndaona kuti basa rako iri nderaMwari."
22 "Kana uchida kuenda kwaunoda uende zvako, nekuti basa rako harina tsvina."