Mapipi Nezvishamiso Mumusha weHighfield muHarare
1 Mukati memusha weHarare, mumusha weHighfield, mukati meJiri revatumwa.
2 Wakanga uri musangano wemasoja akanga akawanda zvakanyanya kwazvo.
3 Pakati nerimwe svondo mangwanani, Gwayana riri kuronga zviziviso rikati,"Nhasi mhukuta yanyanya, ndinoda donhodzo."
4 Kwakanga kusina makore, kana nerimwe zvaro.
5 Zvino vanhu vakanga vauya kuzoona, vamwe vavo vakapikisana mumwoyo yavo vakati,"Nhasi tichaona."
6 Vakati mumwoyo yavo,"Ingawani kusina nefuva remvura zvaro, ko ingabva kupi?"
7 Zuva rodoka, mvura zhinji yakauya, ikanaya kwazvo.
8 Zvirokwazvo vanhu vakati,"Uyu ndiMwari akarangarira zvakanga zvarongwa naMatenga"; pipi guru.
9 Kune vamwe vaipikisana neBasa reGwayana, vakanosangana nematambudziko.
10 Mumwe mukadzi akanga aine dhimoni reuroyi akasimuka mukati meDivi, akaratidza kuroya kwaanoita usiku.
11 Zvino dhimoni reuroyi iroro rakataura nekuroya neropa kwarinoita nevanhu rarakauraya.
12 Hazvisati zvamboitika munyika kuti muroyi asimuke pamberi peChita achitaura uroyi hwake masikati machena.
13 Matenga vakashanda basa guruguru kwazvo mumusha weHighfield.
14 Mumwe mudzimai vaiva nepamuviri ndokusununguka, asi mwana akabuda afa, iye ndokufawo.
15 Matenga vakafemera mwana mweya, pakarepo achibva atangisa kufema.
16 Rakatendeukazve rikati,"Baba dzikisai Mweya wenyu pana amai vacho."
17 Pakarepo Gwayana rakafemerazve mweya kune mudzimai iyeye, akamuka.
18 Rakanga rakabatwa nemasimba richiti,"Baba ratidzai ukuru hwenyu, vazive kuti ndakauya muchokwadi."
19 Pipi guru kwazvo, kumutswa kwaamai nemwana mukati meJiri remuHighfield.
20 Izvi zvakatyisa nemwoyo wangu, vanhu vaMwari.
21 Waiva musi weSvondo manheru, Gwayana rakanga riri Mudivi .
22 Rikati,"Imbai 'Watakura kuipa Jesu kusiri kuipa kwenyu'."
23 Masoja akanga achitamba zvaityisa kwazvo, nezvigurangu zvavo mumaoko.
24 Rwiyo irworwo rwairatidza kuti matambudziko ese akatwarwa naMatenga.
25 Matenga vakati vapedza kuimba"Watakura kuipa Jesu", rikati,"Vaimbisi mukai."
26 Zvino Mukoma Noa nehanzvadzi dzake vakasimuka.
27 Pakarepo vaimbi vakanga vakodzereswa naMatenga vakasimuka, vakatangisa kuimba"Harare iwe chisarira".
28 Matenga vakanga vachiimba vachiti,"Masara makadaro here?"
29 "Mukuroya, mukushora, mumakuhwa, mukupomba, mukupokana nezvimwe zvakadaro."
30 Zvino Gwayana raimhanya apa neapa richisvetuka, zvirokwazvo pasi rakatinhira.
31 Zvino ndakaona hambakamba dzevatumwa dzichitinhira, dzakatambanudza maoko adzo semapapiro.
32 Vakanga vari kunze vachitarisa, maziso avo akanga aita seakuda kuvhomuka.
33 Vachiona Matenga vachivachinjira pamberi pemeso avo.
34 Pipi guru rakazunguza dhorobha rose reHarare rakanga riri rekuparidza kwakanga kuchiita vanhu.
35 Vakanga votsika nyoka nekarize, nekuti vakanga vasingatyi kutaura chokwadi chaMatenga.
36 Hazvisati zvamboitika mukati menyika kuti muroyi amire pakati peChita achitaura uroyi hwake.
37 Mhombwe ichipupurira pamwe nen'anga dzaizvipupurira mumabasa ayo ayo yaita.
38 Izvi zvakaratidza kuti vanhu ava vakasangana naMwari wechokwadi.
39 Kwete kuchaswera vachinyengedzwa nevaya vakadzakatira nemadhimoni. Tarisa Muporofita Isaya 5: 20–27.
40 Pipi rimweni ndeiri: vamwe varume vaida kuparadza Matenga .
41 Vabvunza imba yavaigara vakatadza kuiona, asi yakanga iri pachena.
42 Vamwe vakaedza kutumira dzinyokandara asi zvakangova pachena.
43 Rinodaro shoko, hazvichaita seGwayana rekutanga, bedzi Baba vakauya muChokwadi.
44 Vakomana vemumabasa veMutare, Bulawayo, nedzimba dzakasiyana-siyana vaiuya kuzopinda svondo kuHighfield.
45 Muvhangeri mukuru akauyawo kuHarare ikoko, VaNyamandura.
46 Vavhangeri ava vaireva shoko zvakanga zvichityisa kwazvo.
47 Matenga ngaaropafadze mashoko ese nekusingaperi. Amen.