Taifanira Kutsvaga Maguta Erutiziro Nguva Ichiripo
1 Pakutanga Guta raiva rimwe; Guta reJerusarema, musha wakanaka.
2 Bva, nekuuya kwaMatenga, kukavakwa mamwe maguta emuDenga, mumashure mekuparadzwa kweGehena.
3 Maguta ndivo aya, ekuti munhu mumwe nemumwe azvisarudzire, nyama nemweya zvichiri pamwe.
4 Guta raBaba, Guta raMambo Jesu, Guta raJeneti, Guta raMiriemu, Guta revapemberi.
5 Kozouya kuya kwematambudziko, kujeri raSatani, neshumba.
6 Ndiwoya maguta erutiziro akarehwa kuna Joshua 20 vesi 1–9.
7 Vanodaro Matenga ,"Ndakauya kuzodzadzisa, kwete kutonga nyika."Tarisa Dhuteronomi 19: 1–7.
8 Saka takaona kuparadzwa kweGehena, kuti tsamba rizadziswe.
9 Rinoti Gehena richadzimwa, varikumakuva vachamuka vagotangisa kupinda muDenga.
10 Uyezve, kuti tsamba rizadziswe, rinoti,"Tsvakai maguta matanhatu erutiziro."
11 Saka vose vari muGuta raVaJehova vanoziva kuti Gehena rakaparadzwa.
12 Vakanga vakatorwa nerukova vakaburitswa; nhasi varikufara nekupembera mukati meDenga.
13 Saka muvanhu vapenyu, voda kuenda mumaguta aya, voenda.
14 Voda kuraswa voraswa, asi haichiri mhosva yeGwayana, asi matsamba evaprofita azadziswa nhasi.
15 Ngariropafadze mashoko aya nekusingaperi. Amen.