Chishamiso paGuta
1 Matenga vairamba vachibudisa pipi nepipi zuva nezuva kuti vanhu vavo vadavire kuti uyu ndiBaba kuvanhu.
2 Kwabva nemwoyo yedu mikukutu yakaberekerwa muzvitadzo, tikakura munaizvozvo, hatisaka kuzvipira ba munaishe.
3 Saka tooneswa mapipi asina kumboonekwa nani naani munyika.
4 Pakati nerimwe zuva, vana vari kuratidzwa Mudivi , mumwe mudzimai akasimudza mwana sezvinoita Matenga , asi aninaani haana kufadzwa nazvo ba.
5 Mwana iyeye akarambira ari mumaoko ake.
6 Kuzoti nerimwe zuva Matenga vakaratidza pipi remwana iyeye.
7 Vakataura pane mudzimai iyeye; izwi rikabuda remwana iyeye achitaura achiri mupenyu.
8 Zvinoshamisa kwazvo kuti mucheche anotaura pamukuru ari mwana; ichi chishamiso vanhu vaMwari, ngatiisei pfungwa pakadzama.
9 Asi munhu wese anga aripo akaona iri pipi ; zvakatishamisa kwazvo.
10 Izvi zvakaratidza masimba aMwari kuvanhu vavo.
11 Izvi zvakaitika paGuta raJehova idzva mwaZimunya.