Guta Ra Jehova
Lesson 35

Chishamiso paGuta

1 Matenga vairamba vachibudisa pipi nepipi zuva nezuva kuti vanhu vavo vadavire kuti uyu ndiBaba kuvanhu.

2 Kwabva nemwoyo yedu mikukutu yakaberekerwa muzvitadzo, tikakura munaizvozvo, hatisaka kuzvipira ba munaishe.

3 Saka tooneswa mapipi asina kumboonekwa nani naani munyika.

4 Pakati nerimwe zuva, vana vari kuratidzwa Mudivi , mumwe mudzimai akasimudza mwana sezvinoita Matenga , asi aninaani haana kufadzwa nazvo ba.

5 Mwana iyeye akarambira ari mumaoko ake.

6 Kuzoti nerimwe zuva Matenga vakaratidza pipi remwana iyeye.

7 Vakataura pane mudzimai iyeye; izwi rikabuda remwana iyeye achitaura achiri mupenyu.

8 Zvinoshamisa kwazvo kuti mucheche anotaura pamukuru ari mwana; ichi chishamiso vanhu vaMwari, ngatiisei pfungwa pakadzama.

9 Asi munhu wese anga aripo akaona iri pipi ; zvakatishamisa kwazvo.

10 Izvi zvakaratidza masimba aMwari kuvanhu vavo.

11 Izvi zvakaitika paGuta raJehova idzva mwaZimunya.