Kuzarurwa Kwechitoro chaMakuyana NeVatumwa
1 Rakanga riri zuva reChishanu, Matenga vakati,"Mangwana vatumwa vachatutsirwa munyika, kuti vaende kunovhura chitoro chaMakuyana."
2 Zvino chitoro ichochi chakanga chagara mazuva chakapfigwa.
3 Zvino vakafunga vakati,"Uya akambondinunura akauya paMatenga akataura zvose, zvikaiswa pachena."
4 Zvino Matenga akashingaira chaizvo kuti chitoro ichocho chivhurwe.
5 Zvino vakabvumirwa kuti chive chinoshanda nepamusana paMatenga.
6 Akafunga kuti,"Ndiani angandivhurira chitoro changu?"
7 Zvino akafunga akati,"Chinofanira kuvhurwa naMatenga, sezvo ariye akachishingaira kuti chive chinoshanda."
8 Zuva reMugovera rasvika, zvino vatumwa vakaenda vari mudzimotokari, vamwe vari mubhazi raNkomo.
9 Ndivo vaya vatumwa vehama dzedu dzakafa, vakanga vari kushumba vakafushirwa naMatenga.
10 Vakauya vakareurura, vakapinzwa muDenga.
11 "Ndivo vakauya vakagara panesu vachibva mumaguta akasiyana-siyana avo akavakwa naMatenga,"rakadaro shoko raMatenga.
12 Vanhu ava vakaenda vava vatumwa chete, vaiti: Noah, Jeneti , Johane, Jobho, neN'anga dzeGuta.
13 Mukati merwendo urwu, imwe mota yakanzi haifambi zvakanaka; zvikazodzadzisika zvakanga zvarongwa neMweya.
14 Zvino tasvika pachitoro ichi, paBechinafu Bhiriji.
15 Vakaita izvo vakanga vataurirwa naMatenga vachizarura.
16 Asi Matenga vakanga vavapo kare; vakaonekwa nevakanga vari mumweya, kwete munyama.
17 Vakatanga kutengesa; ndiMuuyu, umo makabva upfumi hwese, naJohane, naJobho.
18 Pakaimbwa zvakatyisa kwazvo; vanhu vakaungana zvakanyanya vanzwa nemutinhimira.
19 Muridzi wechitoro akasimuka akati, ipapo pakanga paunga vanhu vazhinji, akati:
20 "Ini ndinotenda Matenga nebasa guru iri ravaita nhasi.nebasa guru iri ravaita nhasi."
21 Akati,"Vanhu mese maona kuwanda kwevanhu ava, nebhazi nemotokari idzi."
22 "Vanhu vese ava nemotokari idzi, dai kuri kubhadhara, kubva kwaMutare nekuvadzokesa..."
23 "Mwaiti ndaiti ndaibvisa marii pane izvi?"
24 "Asi onai tsitsi dzaMatenga dzinoshamisa."
25 "Hapana nekobiri randabvisa hapana, kana nemubairo zvawo."
26 Zvino Chita chose chakanga chiripo chakashamiswa kwazvo.
27 Vakati,Vakati, "Mwari wamunonamata ndiMwari wechokwadi.wamunonamata ndiMwari wechokwadi."
28 Zvino vatumwa vaya vakanga vatutsirwa munyika naBaba vakadzoka ava manheru.
29 Zuva remusi weSvondo Gwayana rakati,"Chisanzwa mashoko evafambi, kuti vapupure mashoko erwendo."
30 Pakatanga Jeneti , kukauya Noah, Cheyamani , Muuyu, Johane, naJobho.
31 Vese ava vaipupura nezvityiswa zvavakaona ikoko nemunzira imomo.
32 Matenga vakasimuka vakati,"Vaona vaona; chasara chifungai kuti ini ndiri aniko pasi pano?"Amen.