Kutambudzika kwaBaba paManyene
1 Vasvika paManyene, Baba vakatambudzika chaizvo.
2 Paiva neimba yaivapo, asi vairara pasi, kusvikira vamwe varume vaviri vakazotenga metiresi yekuti vararirepo.
3 Asi ivo Baba vakashaya nezororo, nemwoyo yevamwe vakatambudzika chaizvo.
4 Asi vamwe havana kupsikana nazvo; vakanga vava mukati meizvi neizvi, mwoyo yavo haina kupsikana kwete.
5 Vakakomborerwa zvavo vakatambudzika pamwoyo yavo, vakafungisisa nedambudziko raMatenga.
6 Zvino matirimana ose enyika akaungana ipapo; vamwe vaibva kwaMutare, Harare, Bulawayo, Chinhoyi, Chipinge.
7 Nemudzimwe nzvimbo dzakasiyana-siyana, nevarungu vakauyawo kuzoona Matenga avo.
8 PaManyene ipapo pakava nekunetsa chaizvo, ndopakasimuka vamwe vakasiya Baba vari kutambudzika ikoko vakauya muGuta.
9 Vasvika imomo, kutaurirwa hunyimwa; vanoziva vanoziva.
10 Vamwe vavo vakati,Vamwe vavo vakati, "Guta rapera, muchangarireiko muno?rapera, muchangarireiko muno?" Uye vakadaro kusaziva, munhu wekufa zvainzi inyore.
11 Kuzoti vadzoka, vasvikazve ikoko kuManyene pakanga pari kunetsa chaizvo.
12 Bulawayo yaiti,Bulawayo yaiti, "Tinoda kutora Matenga "; Chinhoyi ikati,"Tisu tinoda kutora Matenga .."
13 Zvino Mambo Zimunya akati,Zimunya akati, "Zviri kwavari Matenga kwevanenge vadaiwo"; zvino vamwe vakati,"Ngavaendeswe kwaNyamushanya.Ngavaendeswe kwaNyamushanya."
14 Pashoko iroro rakanetsa rekuti Matenga voenda kupi ko? Rakanetsa kunga vakanga vasina musha wavo Jerusarema .
15 Kusvikira vakanzi,Kusvikira vakanzi, "Ngavabvunzwe kuti ivo Matenga vanoda kuti vaende kupi ko?vanoda kuti vaende kupi ko?"
16 Asi shoko rakati,"Bedzi kuJerusarema, kwaZimunya."
17 Vakazosimuka paManyene paye vakauya muGuta, vakasvika muGuta hwava usiku, musi weChitatu 22nd June 1960.
18 Vari mukati megwanza, Baba vakati,"Vana vangu, imbai Nguwo dzeRuponeso."
19 Zvino chiso chavo chakapenya, vakati,"Ndatarisa kuJerusarema."
20 Kuzoti vasvika muGuta, Guta rose rakava nekufara kukuru.
21 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.