Matenga Vanoenda KuChipinge
1 Pakati nezuva rimweni, Matenga vamire pakati pevanhu vavo vazhinji-zhinji kwazvo.
2 Vanoti,"Vana vangu, imi makakomborerwa makaona izvi."
3 "Kune dzimwe nyika vanhu havasati vaziva kuti chinhu chinonzi kunamata chii."
4 Asi takanga tisingazivi kuti zvinorevei, kusvikira Matenga vatiita rwendo rwekuenda kuChipinge kwaMambo Musikawanhu, muna Mambo Chibuwe.
5 Kuzoti zuva racho rasvika, Matenga vanoti,"Nhasi ndarara ndiriko ndichigobora zvitsiga zvikuruzvikuru kwazvo"; vanotizve,; vanotizve, "Ndafanounganidza chita chikuru kwazvo.chikuru kwazvo."
6 Vakati vane maziso emweya vakaratidzwa zvose vasati vaenda ikoko; kwete anemaziso enyama hauzvioni.
7 Matenga vanoti,"Vandinofamba navo mumweya tarisai huwandu hwevanhu ikoko."
8 Vakatizve,"Tarisai nhumbi dzandapfekedzwa."
9 Vakanga vava mumweya vakaratidzwa zvizhinji chaizvo.
10 Kuzoti rava remangwanani acho.
11 Matenga vakatora zvirwere zvese zvakasiyana-siyana vachienda nazvo zvose.
12 Kwakaenda motokari nhatu, neyaMatenga, bhazi raNkomo, yaChareka neimweni.
13 Matenga vanoti,"Ndiri kuenda kunoratidza basa ravakandituma nekuti basa iri harisi rangu kwete."
14 Zvirema, mapofu, mbeveve, mhetamakumbo, nezvimwe zvirwere zvese zvakakwira, vakaoneka Guta vakaenda.
15 Vari murwendo rwavo vakapfuura nepamambo, vakatora Ishe Nyakunu, iyo vanga vari Mambo Zimunya; murwendo rwavo vakanga vachiimba rwiyo runoti,Zimunya; murwendo rwavo vakanga vachiimba rwiyo runoti, "Tenzi TaunganaTaungana" (riri dzinde).
16 Vakasvika paTanganda, vakamira ipapo; vanhu vakaungana kwazvo vanzwa mutinhimira wehurukuru idzo dzakanga dzichiimbwa ipapo, vakashama kwazvo.
17 Vakabva ipapo vakaenda pamusha paTekeshe munyika yaMambo Chibuwe.
18 Vakaona pazere nevanhu ipapo pamusha paTekeshe.
19 Dzakanga dziri kuimbwa hurukuru dzaVaJehova.
20 Ndakaona nyika yose ichisungunuka nezviro zvose zvakadedera.
21 Hama dzangu, mwoyo wangu wakatyiswa nemushandirwe waitwa basa naMatenga.
22 Matsamba avhurwa achivhurwazve, okuparidza shoko raVaJehova, nekuratidza Basa raMatenga.
23 Ndakaona Mambo vacho vachienda kunoreurura zvivi zvavo zvose pamberi paMatenga.
24 Vanhu vakatanga kuuya kuzoreurura kuna Mabarani Enos Rusike.
25 Vanhu ava vaiuya nemakona, huroyi, hun'anga nemazango anotyisa kwazvo.
26 Nekuti vakanga vaona chokwadi chaMatenga.
27 Chinondishamisa ndechekuti vanhu vakapinduka pasvondo iyoyo vakakwana 323 huwandu hwavo.
28 Ini paupenyu hwangu handisati ndamboona vanhu vanopinduka zvakadaro kana pasvondo ipi neipi zvayo.
29 Vamwe vavo vazhinji ava vaiuya kuzopona chete pamweya, kwete kuuya nechirwere.
30 Vamwe varume vakati,"Chibvarirwe chedu hatina kumboziva kuti chinhu chinonzi svondo chii kana kunamata; taiti zvango nemakona ndihwo hupenyu."
31 "Nyamba upenyu nhasi tahuona pachena"; vakatendesa Matenga vakati,"Tapona isu nekuti tasangana neruponeso."
32 Vaipisa makona, huroyi, hun'anga, mazango neimwe miti ndiBeta naJames avo vakanga vafemerwa masimba naMatenga.
33 Kuti nyanga idzodzo dzirege kuzovakuvadza.
34 PaSvondo iyoyo vanhu vakapfekedzwa yunifomu yemweya ikoko; Matenga vairapa kaviri pazuva sezvavaita kuGuta.
35 Vana vakabhabhatidzwa naMatenga vashanu svondo iroro.
36 Matenga vakange vazere nemasimba anotyisa; hope dzavo dzaipenya kwazvo.
37 Ndakaona Mambo Chibuwe achifarira kupfekedzwa mbatya yemweya iyoyo.
38 Ndafunga ini ndakati,Ndafunga ini ndakati, "Matenga vakaenda kunodzitsvaga hwai dzakanga dzakarasika.vakaenda kunodzitsvaga hwai dzakanga dzakarasika."
39 Basa guru kwazvo rinoshamisa rakashandwa pamusha paTekeshe, uyo akanga ari Muvhangeri weGuta.
40 Vanhu vanga vakafanira kushama kwazvo nemabasa anoitwa naMwari pasi pezuva.
41 Kuzoti zuva reChitatu muvhiki rasvika, Matenga vakaoneka vanhu vavo.
42 Vakaenda nekuChipinge kunoona Ngosi yeikoko kunoioneka.
43 Vasvika pahofisi yacho yepaMudziti.
44 Ngosi yepo yakavafarira zvikuru kwazvo.
45 Vanhu vazhinji vakaungana kuzoona. Ngosi iyoyo yakatendesa zvikuru.
46 Asi Tekeshe akanga avachengeta zvikuru kwazvo.
47 Vari kuuya kuGuta vakapfuura nepaKudzionera, vakaita munamato ipapo.
48 pipi ; aiva masikati, asi paiva nenyuchi dzaivapo.
49 Matenga vakatora mvura vakainamatira ikava mushonga, vakamwayizira ipapo panyuchi.
50 Vakadzibata neruoko vakadzibvisa ipapo.
51 Nyuchi dziya ndokubva dzaenda.
52 Vapedza, vakauya kuGuta; vakaona chita chikuru kwazvo chakanga chaa nenyota, chakavagarira kwazvo.
53 Ndakaona vamwe vachipembera, vamwe vachiridza mhururu, vamwe mheterwa kufarira Matenga vakanga vasinaye kwemazuva mashomanana.
54 Ini ndakaona izvi ndinoti ndakakomborerwa; bva pamwe ndine nhamo zvepamaziso angu nenzeve dzangu. Vanhu vaMwari, ngatifungei pamashoko ese aya apo munenge muchiverenga tiise pfungwa pakadzama.
55 Tizvibvunze kuti,Tizvibvunze kuti, "Ko Mweya Mutsvene wakauya here?wakauya here?"
56 "Uyo wakataurwa, ko ndiani anoita mabasa ese anoshamisa akadaro munyika?"
57 Ngatifungisisei nguva ichiripo vanhu vaMwari.