Guta Ra Jehova
Lesson 168

Kutanga Kurwara kwaMatenga muGuta

1 Takati tabva muIsita, makanga mabva kuitwa mashura nezviratidzo, zviuru zvevanhu zvizere mukati meGuta ravo.

2 Tagara masvondo mashomanana, Matenga vaiti pamwe nedzimwe nguva vaiuya.

3 Zvino vaiti kana vauya, pamwe vaiti kana vorapa vombosiya raini riripo vodzoka muNgarava, vopetukazve vouya, vopetukazve vouya vopedzisa kurapa.

4 Pamasvondo iwayo Matenga vakatangisa kurwara; vakarwara tikashaya nechokuita.

5 Mwoyo wemumwe nemumwe ukatambudzika chaizvo.

6 Nerimwe zuva Matenga vakanzi,"Ngatiendei kuHarare,"kwakanga kuine nyaya yaivako yemwanakomana wavo; anoziva anoziva.

7 Baba ava vakasimuka muGuta vakaendeswa kuHighfield; pakazobuda mashura.

8 Kuzoti vambogara imomo vakati,"Zvakanaka vana vangu."

9 Vakati vasimuka, panzvimbo yekuti vatore gwanza rekuGuta, vakatora gwanza rekuManyene.

10 Vakadaro Matenga vakati,"Ko, tiri kuenda kupi?"

11 Pakarepo Baba vakatangisa kubatwa nemasimba pamwe neMutumwagomo.

12 Baba vakatinhira zvakatyisa vakada kubuda nepamusoro peNgarava yavo.

13 Kanguva kashomanana ikako motokari yose yakazara nemvura semwanaya.

14 Zvino Baba vakatinhira, vakatinhira nemasimba vachishevedzera nezwi guru.

15 Kuzoti vabva ipapo, ndopavakazobva vanyanya kutambudzika nekurwara.

16 Saka paine shoko riye ravakati,"Pakasvika rekutanga, ndopachatsika rechipiri."

17 Baba ngavaropafadze izvi zvinyorwa zvavo nekusingaperi. Amen.