Guta Ra Jehova
Lesson 48

Kuenda kuJorodhani

1 Matenga ava vane basa guru chaizvo.

2 Kunoti rava remangwana, vakabviswa mweya yakaipa iya yemadhimoni, vanoenda muraini voreururazve zvavanenge vakasiya zvose.

3 Vanoreururazve nekuti vanenge vachienda kunogezwa mimvuri yemadhimoni pamiviri yavo.

4 Asi kana paine anenge anyarara kureurura zvivi zvake, akasangana nehasha dzeMatenga, nedzimwe nguva hosha yake iya inobva yamudzokerera kune mweya uya wakaipa unobva wauyazve pekarepo.

5 Nekuti anenge apinda muJorodhani aine zvivi.

6 Kana wabvako kuJorodhani wakadaro uine zvivi, hasha dzeMatenga dzisina kuuya, asi Matenga vanenge vachiziva zvavo.

7 Kana ukafa uine zvivi zvakadaro, haupindi mumusha.

8 Ndivo vaya vanodzoka vava madhimoni chete, oreurura zvivi zvavo zvose.

9 Asi hazvichabatsiri chinhu kwete.

10 Wafa wafa; kunze kweguva hakuna rupinduko, nekuti unenge wafa nechaunoziva.

11 Vanenge vakanaka vanoimbirwa Rwiyo 127Vanenge vakanaka vanoimbirwa Rwiyo 127 "Jerusarema ".

12 Mabva kuJorodhani munoenda pamba paMatenga, mese momira ipapo; nguva idzodzo Matenga vanobuda.

13 Vanenge vachizvipangidza kuna Matenga , vozoudzwa mashoko, zviedzwa muupenyu hwavo, nekusimba kunamata muupenyu hwavo.

14 Anenge akadzamisa pfungwa pakadzama, anozvibvunza mubvunzo muupenyu hwake kuti,"Munhu chinyiko muupenyu hwaMwari?"

15 Nekuti mwoyo wemunhu unoziva zvaakatadza zuva nezuva.

16 Kana kukatangisa kutaurwa nezvawakaita iro riri vhangeri, wotangisa kugumbuka, woti,"Ini nhasi ndaonekwa."

17 Saka munhu anofa nechaanoziva, zvakadaro kuna Judhasi akafa nechaanoziva. Tarisa Mateo 27: 3-5.

18 Saka munhu achiri kupomba, nekumwa, nekuroya, nekuputa, nekuba, neruchiva, neutsinye, neshungu, nevanopokana; vanhu vakadaro vanenge vapenyu munyika, nyamba vakafa, vakafanana naJudhasi akatengesa Jesu.

19 Nekuti Judhasi haana kuda kureurura, asi achiziva zvake kuti Jesu anoziva zviri mumwoyo make, iye akada mari kupinda waakaona achiburitsa mashura nezviratidzo.

20 Kana vakadaro, ndivo vanozodaidzwa kuti vana vaSatani.

21 Ndizvo zvakauyira Matenga , kuti vabvise mweya yakaipa.

22 Vanhu vatema takanga takakomborerwa kuwana Baba ane nzira yeupenyu husingagumi.