Guta Ra Jehova
Lesson 75

Guta RaBaba

1 Guta raBaba, muGuta munoenda vanhu vakazvipira kuti Baba vakauyazve zvirokwazvo.

2 Ndivo vaya vanozvipira pamberi paBaba nekureurura zvakaipa zvavo zvose.

3 Ndivo vaya vanozopinda muMusha weJerusarema umo munodyiwa uchi nemukaka; munova nerufaro chete, musisina nhamo nekuchema.

4 Baba vane nzvimbo dzavanoisa vanhu veyunifomu; varwi, vemateneti, masoja ane mabaneri; nzvimbo idzodzi dzine vatumwa vadzo vanopenya kwazvo.

5 Mapipi aiitwa anoshamisa hama dzangu; fungai nguva ichiripo, hama dzangu.

6 Ngatireururei tose tipindewo muJerusarema.