Guta Ra Jehova
Lesson 52

Kutenda Kwevanhu

1 Kunoti nerimwe Svondo, rinenge riri svondo rekutenda, rinenge riri svondo remasikati.

2 Vanhu vanenge vanyoresa kuna Mabarani , kuti vanoda kutenda zvavakaitirwa naMatenga muupenyu hwavo.

3 Ava vanhu vanotenda zvakasiyana-siyana.

4 Vamwe vanotenda nhumbu, vakagara makore vasina kumbonzwa kutamba kwemwana munhumbu dzavo.

5 Vamwe upfumi, mhosva; vamwe vanotenda zviyo zvemumunda zvekurima, nemadenda akasiyana-siyana.

6 Vachitenda Matenga nezvavakaitirwa muupenyu hwavo neMutumwa waMwari.

7 Asi mufunge kuti munhu nemunhu akarasa pfuma zhinji achienda mun'anga, asi akashaya chibatsiro.

8 Asvika paMatenga, akareurura zvakakwana zvose, akazvirasa zvose paGuta. Ndakaona vanhu vaviri, murume nemukadzi, vachidzoka vava vatatu nemwana wechitatu; vakauya vasingaoni vakaenda vava kuona; vakauya vasingafambi vakaenda vofamba; nevazhinji vakabatsirwa zvikuru.

9 Saka kana wateerera mirairo yaMatenga, tose tichapiwa icho chatinoda kuMatenga; hapana anozoshaya kwete.

10 Kushingirira hakunyadzise; kuisa mwoyo pamwe chete, tinochiwana chete. Titondere kuchengeta mirairo yavo chete tinogashidzwa, vanhu vaMwari, chose chatinokumbira muzita raMatenga.