Kutenda Kwevanhu
1 Kunoti nerimwe Svondo, rinenge riri svondo rekutenda, rinenge riri svondo remasikati.
2 Vanhu vanenge vanyoresa kuna Mabarani , kuti vanoda kutenda zvavakaitirwa naMatenga muupenyu hwavo.
3 Ava vanhu vanotenda zvakasiyana-siyana.
4 Vamwe vanotenda nhumbu, vakagara makore vasina kumbonzwa kutamba kwemwana munhumbu dzavo.
5 Vamwe upfumi, mhosva; vamwe vanotenda zviyo zvemumunda zvekurima, nemadenda akasiyana-siyana.
6 Vachitenda Matenga nezvavakaitirwa muupenyu hwavo neMutumwa waMwari.
7 Asi mufunge kuti munhu nemunhu akarasa pfuma zhinji achienda mun'anga, asi akashaya chibatsiro.
8 Asvika paMatenga, akareurura zvakakwana zvose, akazvirasa zvose paGuta. Ndakaona vanhu vaviri, murume nemukadzi, vachidzoka vava vatatu nemwana wechitatu; vakauya vasingaoni vakaenda vava kuona; vakauya vasingafambi vakaenda vofamba; nevazhinji vakabatsirwa zvikuru.
9 Saka kana wateerera mirairo yaMatenga, tose tichapiwa icho chatinoda kuMatenga; hapana anozoshaya kwete.
10 Kushingirira hakunyadzise; kuisa mwoyo pamwe chete, tinochiwana chete. Titondere kuchengeta mirairo yavo chete tinogashidzwa, vanhu vaMwari, chose chatinokumbira muzita raMatenga.