Kuimbwa kweNguwo dzeRuponeso muGuta raJehova
1 Kuimbwa kweNguwo dzeRuponeso kana ukakufungisisa, uye ukaisa pfungwa kwakadzama, kunotyisa vanhu vaShe.
2 Kuuya kweNguwo dzeRuponeso munyika, rakanga riri shura munyika rekuenda kwavo muDenga.
3 Nekuti kuuya kwakaita nguwo idzi, dzakanga dzauya kuzotora Matenga munyika.
4 Matenga vakasiya vadzisima munyika vakati,"Vana vangu, Nguwo dzeRuponeso dziri kuyerera munyika."
5 Zvinoreva kuti ruponeso rwaMatenga haruzogumi; ruri kuyerera bedzi siku nesikati.
6 Ndinodaro nekuti vanhu vari kupona; mhanje dzese dzemakore dziri kubereka vana.
7 Zvavo vanodavira kuti takasangana naMusiki vanopona.
8 Muimbirwo wakanga uchiitwa Nguwo waishamisa vanhu vaShe.
9 Taiti tapinda Mudivi Matenga vauyawo Mudivi , zuva ranga kuti kwire.
10 Nedzimwe nguva, kunyanya musi weSvondo mangwanani, vaiti,"Vana vangu, nhasi kune Nguwo; endai mundopfeka Nguwo dzenyu."
11 Zvino varume nevakadzi vakanga vakakodzereswa naMatenga vaimhanyidzana kunopfeka.
12 Nguwo idzi dzaipfekwa nevakapfeka Jeneti , Mhiriyemu, nemasoja vakapfeka mikwakwa.
13 Kuzoti vauya Mudivi , nedzimwe nguva dzaiimbwa bedzi, ngoma ichirira yacharowa mhumba.
14 Kana vachida kuti vafemberi vabude, paiswa mabhenji maviri, vachiti vamwe uku vamwe nekubhenji rekoko.
15 Vazere vaviri vaimiswa pakati peDivi, vamwe vachimiswa nechekuku.
16 Zvino Matenga pakarepo vaimira pakati peDivi vachiti,"Izvozvi zvamaona, vafemberi vauya varimuno."
17 Vakati,Vakati, "Vana vangu, zvavanenge vachipesana muno kudai Mudivi .."
18 "Vakadaro vana vangu mudenga mune matare nematare iye zvino."
19 Zvikanzi,"Varikumunetserei ko? Vakatadzei ko munyika?"
20 Vakati,"Varikupesana sezvavanoita munozvi, mukati meDivi."
21 Vakati,"Kudenga haisiri nyore, uye kumakata vana vangu."
22 Vanga vachiti vasati ivo Matenga vamire pakati peDivi, vaitangisa kushaura vega urwu rwiyo.
23 Vaiti,"Vafemberi vauya, vakawanda vari kuda kubuda."
24 Ndopavaitangisa kuimba vachiti:Ndopavaitangisa kuimba vachiti: "Nguwo dzeruponeso, Nguwo dzeruponeso, Nguwo dzeruponeso dzinoyerera, Hareruya woye. Nguwo dzeruponeso, Nguwo dzeruponeso dzinoyerera. Hareruya woye.woye."
25 Zvino vaitetembedza nechitetembedzo vachiimba vachitaira mukati mevanhu varo.
26 Nemukati mevafemberi nevachenjeri vakanga vari kupesana panguva idzodzo.
27 Vachitenderera vachipindazve nemukati mevatumwa vazere nemasimba anotyisa chaizvo.
28 Pamwe vaimira vachimira richidaro:"Nhai ko vafemberi nevachenjeri, mandiregerera kani; ndanzwa mutinhimira nechawonga chemasimba vachitinhira."
29 Zvino ndakanzwa mutinhimira nechawonga chemasimba vachitinhira.
30 Zvino izvi zvaireva kuti vakanga vava kuonekedzana neAfrica.
31 Yavaigara vachitaura kuti,"Africa ndakuurirai muchokwadi."
32 "Unotenda kwandiri anozova neupenyu husingagumi."
33 "Vakakomborerwa zvavo vachazosangana naMatenga vachizodzipfeka idzi nguwo dzemudenga."
34 "Wakakomborerwa zvake achanazosanganazve nevakomana vane mapumhu marefu nemajamba acho machena anotyisa akadai."
35 Zviri kwauri iwe neni kufungisisa basa rawakaitirwa naMatenga paupenyu hwako.
36 Taiti nedzimwe nguva taimusimuka Mudivi tichienda paNgarava yaMatenga.
37 Ndopataiti tiri tichidziimba zvaityisa, ivo Baba vari pavharanda repaNgarava yavo vakatarira.
38 Tatamba tichiimba ipapo, ndopaibva paiswa ngoni ipapo.
39 Nerimwe zuva ivo Baba vakati,"Vana vangu manga mafananidzwa nengirozi dzekudenga."
40 Shoko rinokosha kufananidzwa nengirozi isu tichiri pasi pano.
41 Hama dzangu, hatina kuziva kuti zvinoreveiko pashoko iroro.
42 Chokwadi Africa yakanga yadikanwa naBaba; hapanazve nyika iri pasi pano yakambopfekedzwa mbatya yemudenga yakafanana nengirozi.
43 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.