Guta Ra Jehova
Lesson 49

Kurapwa Kwevanhu

1 PaGuta raJehova panorapiwa vanhu zuva nezuva.

2 Vanorapwa muzvirwere zvakasiyana-siyana; hapana chirwere chisingarapwepo, zvose zvinorapiwa ipapo; ndakazvionera nemeso wangu.

3 Pano paGuta raJehova, kubvira kuGuta ravo kusvikira muGuta mwaZimunya, Matenga vanorapa kaviri pazuva; mangwanani nemanheru.

4 Matenga vanzi naVaJehova,"Kwira mugomo"; vanokwira kunoshingaira mweya yedu.

5 Matenga vanokwira mugomo, pamwe mangwanani, pamwe masikati, pamwe manheru, pamwe usiku kana kunze kooda kuedza, kunoshingaira Pitorosi naMariya kuti tione kupona.

6 Kana vobva mugomo imomo, pamwe vanenge vakabatwa nemasimba chaizvo, vachipinda Mudivi ; pamwe kunze kwaedza.

7 Vanoshevedzera vari mugomo imomo. Kana vanhu vakarara, vanotomuka vachienda Mudivi .

8 Nedzimwe nguva vanotouya zvavo vanavo masimba , asi asina kunyanyisaba.

9 Kana vauya vaine masimba akanyanyisa kuwanda, kana ari manheru, vanhu vaiimba nesimba chaizvo; vanenge vafemerwa Mweya Unoyera.

10 Vanotangisa kurapa zvirwere zvakasiyana-siyana zvose, vaine masimba chaizvo.

11 Vachirapa maraini ari ese, pamwe mweya yetsvina inobuda, ndiwo madhimoni, aitaura mhosva dzavo, achitandaniswa.

12 Vazhinji-zhinji vaibatwa nemasimba chaizvo apo vanenge vachirapa.

13 Kuratidza masimba aMwari.

14 Kunotanga kurapwa (nedzimwe nguva) Huwandu hwavo: Zvirema ... 56; Varume ... 569; Venhumbu ... 952; Vazere nevana ... 348; Varwere vevakadzi ... 460; Mbeveve neMapofu ... 89; Mapenzi neVedenda ... 72; Vekuchikwa ... 96; Vatsva ... 82; Vose ... 2,724.

15 Kune varwarisisa vasingakwanisi kusvikira muraini rekurapwa.

16 Vanoteurirwa neN'anga dzeGuta mudzimba dzavo.

17 Ndivo vaya vanoudzwa zvezvikonzero zvavanorwara nazvo.

18 Chifungai huwandu hwevanhu ava vanorapwa neawa imwe nemaminitsi mashanu chete; vanorapwa neminwe chete, mangwanani nemanheru.

19 Hapana dhokotera kana n'anga ingarapa zvakadaro pahuwandu hwevanhu vakawanda, nekanguva kashomanana kakadaro, handisati ndambozviona; kabva vanhu vaMwari tanga takafanira kufungisisa tichiri vapenyu, hamushamiswi nazvo here?

20 Saka masimba emweya haaenzani neenyama kwete.

21 Vaiti vanhu vapedza kurapiwa naMatenga, vokwira mugomo.

22 Vanhu vanokwira mugomo nerufaro rukuru kwazvo.

23 Vari mugomo imomo vanenge vachiimba Rwiyo 100,Vari mugomo imomo vanenge vachiimba Rwiyo 100, "Ishe TaunganaTaungana", kukokera hama neshamwari dziri mumatiri mana ese enyika.

24 Vamwe vakwira imomo vanenge vaine zvirwere zvakasiyana-siyana, vamwe vanotobvamo vaponeswa zvavo.

25 Ndakaona chimwe chirema changa chisingafambi chikabvamo chofamba, chichivirikidza Mwari wacho.

26 Vaiti vabva mugomo imomo vachiimba nezvigurangu.

27 Vasvika paDivi vanenge vachiimba; kanguva ikako vanovamba kutenderera Divi rine upenyu, kana kuti Idziva reUpenyu.

28 Matenga vanoti vanhu vapedza kutenderera, vanogarisa vanhu pasi.

29 Vanoti vamire pakati pevanhu vavo, kana kuti vanhu vavo vanenge vazere nemasimba vachitaura vachiti:

30 "Ambuya vanoti, 'Mangwanani vana vangu, marara seiko paurefu hweusiku hwakadai?'"

31 "Tachengetwa tese, nevabva kumabasa, nevari muno muGuta; tinotendai VaJehova vatichengeta zvakadare."

32 Matenga vanoti,"Vana vakanaka, miviri yenyu yava simbi, zvamunenge muchimhanya munenge muchitozviratidza kuna Baba chaunoda, asi unochiwana, Baba vanodaro ndigere pachigaro."

33 "Kana muchikwira mugomo munenge muchitozviratidza kuna Baba, kuti, 'Onai ndava murume kana mukadzi akakodzera, kubudikidza nevamakatuma; vakandinunura mumadzudzo, zvino ndava kukwanisa kumuvirikidza siku nesikati'."

34 Kana paine zviziviso Mutumwa anotaura; apedza, panoimbwa rwiyo rwekubudisa vanhu Mudivi .

35 Vanhu vakabatwa pamusoro vanokwana 60,877 naMatenga, huwandu hwavo nanhasi varikuuya, varungu nevanhu vatema.