Guta Rinoda Kuputswa Nevavengi, Zvino Vavengi Vanokundwa NaMatenga
1 Zvino ndakaona vakuru vakuru vazhinji, sevafundisi nemadhikoni nevamwe vanhu, vachiita matare nematare vachirangana kuda kuti Guta raMatenga ribve pano panyika, vachiti varikutora vanhu vedu.
2 Vaitongana pachavo, vachipanana mibvunzo yakaoma kwazvo.
3 Vachiti,"Munhu uyu simba rekuponesa akariwana kupiko, munhu wemukadzi?"
4 "Zvanga zvakafanira kuti isu tiriite vanhu vevarume, isu takachenjera isu."
5 Asi ava vanhu vakakanganwa kuti ivo Matenga vanoda vanhu vanoenda kusvondo dzavo; zve vakauya kuzoponesa bedzi.
6 Haana chechi chete; kuponesa munhu wodzoka kuchechi yake bedzi.
7 Ipapo vose vakaedza kuenda kuvatongi venyika.
8 Vachiendesa maripoti akaipa nekunyorera Mutongi Mukuru matsamba.
9 Vachiti Basa raMatenga ava harina kunaka.
10 Vachitaura bupira zviro zvemanyepo, pamberi pemutongi C.N.C. vamwe vanhu ivavo ndivo vaya vaiti kunamata vanoda, asi zvenyika vachidazve.
11 Havana kupedza kureururazve zvivi zvavo zvose.
12 Vanga vachida kupona seiko ivo vachine pfuma yezvivi?
13 Vaendazve kuMutongi; Mutongi vaibvunza vachiti,"Ndiudzei chikonzero icho musingamudi nacho."
14 Ipapo vakatanga kubvunzana pachavo,"Tikati vanhu vanoenda kwaari vachiponeswa..."
15 Mutongi akati,"Ko imi hamudi here kuti vanhu vaponeswe?"
16 "Kana tikati vanoti, 'Ndakauya kubva kudenga', zvino Mutongi anozoti, 'Ko iye haasi iye here, hamushami here nemunhu anoponesa vanhu vazhinji neruoko chete? Abata munhu oita nhumbu nekunamatirwa chete'."
17 Paiva nevamwe varume vaviri vaishanda mudhorobha, mwoyo yavo yakatambudzika kwazvo vanzwa zevezeve renhando dzaida kunoputsa Guta .
18 Zvino vakaedza kutsvakisisa kuti chii chaangaita.
19 Akatsvakisisa kusvikira anzwa, akauya kuzoudza Matenga .
20 Asi zvakanga zviri kuitika.
21 Ndokubva Matenga vakashingaira kwazvo.
22 Vakaona vanga ari kuda kunoparadza Guta .
23 Zvino paiva nemumwe murume ainzi:
24 Siyahamba zita rake, aigara pedyo neGuta raMatenga munyika yaMambo Zimunya.
25 Aiva munhu aiziva mitemo yekutonga kwazvo.
26 Vavengi vaya vaida kuti Guta ribve, vakaenda kunotengera kwaari.
27 Kuzoti zuva rimwe akagara pamba pake.
28 Akatarira muGuta akati,"Ini ndiri kuenda kunoparadza musha uyu usina mhosva, nepamusana pemari chete."
29 Kuzoti manheru acho, akagara mumba make akaona rambi guru richiuya mumba make.
30 Akatarira kuti aone munhu akaribata, akashaya kuona munhu wacho.
31 Rambi rakasvika pamusuwo rikapinda mumba, rikachenesa imba yose.
32 Ipapo akawira pasi, nekuti rakanga rakabatwa neMutumwa weGuta wekudenga aichengeta Guta iroro.
33 Kuzoti amukawo akatarira rambi akarishaya.
34 Akava nekutya nekudedera kukuru kwazvo.
35 Kuzoti ava mangwana haana kuziva kuti zvauya seiko.
36 Ipapo ini ndinoti uyu murume akaitwa saSauro achienda Dhamasiko kunoparadza. Tarisa Mabasa eVaapostori 9: 3-6.
37 Kuzoti ava mangwana akanoronga achitya.
38 Ari murwendo rwake rwekuti aende kunoparadza nekuchiona Mutongi Mukuru wemuHarare.
39 Akasvika nepahotera yaElisi Murapa. Akati,"Ndinoda kuti mundigadzirire kudya kwakanaka."
40 Ari kudya akabvunzwa kwaanga ari kuenda.
41 Elisi akati,"Ko haungandigadziririwo mhosva yangu, ko zvamurimi vakuru vakuru?"
42 Kuzoti ataura kuti anoda kunoparadza Guta , Elisi akawira pamberi pake akamuudza kuti,"Ona, ini ndakanga ndava rufu, ndikamutswa mukufa, ndikapiwa nhumbu, zvino ndavanayo."
43 "Nevazhinji varikuponeswa ipapo."
44 Zvino Elisi akati,Zvino Elisi akati, "Ndinoda kuti undiyamure nevavengi vanoda kuputsa Guta .."
45 Zvino murume uya akarohwa nehana akatya, akatondera rambi riye guru raakaona kumba kwake.
46 Ipapo Elisi akamuudza kuponeswa kwese kunoitwa vanhu.
47 Akati,Akati, "Ichokwadi uyu Muponesi wechokwadi ndiBaba.wechokwadi ndiBaba."
48 Akamutora akaenda naye Siyahamba kuna Baba.
49 Akasvika, akareurura zvivi zvake zvose, akabatwa pamusoro.
50 Ipapo Siyahamba akava murume anoda Mwari , akabva apindwa neMweya Mutsvene ; ndiye wakazoenda kokanira Guta nguva idzodzo afemerwa naVaJehova.
51 Dai taita maufambire matsva tichisiya wekare, tese tingazofaidzwa kuti vana vaMwari.
52 Nekuti Iye Mwari anoda vanhu vavo vese, kana vachichengeta mirairo yavo yose.
53 Mwari havadi munhu ane zvivi.
54 Kumbirai Kwavari vanokupai zvose izvo zvamunoda pamberi Pavo.