Guta Ra Jehova
Lesson 8

Kufamba kweMatenga

1 Kwakati Baba vafamba vachifamba, vachirapa zvavo vavanenge vaona vanorwara.

2 Vakaenda paGora kuMhondoro Reserve.

3 Pakanga paine mwana waMatenga, mudzidzisi, paGora pachechi ipapo.

4 Nemusi weSvondo vaiti Matenga voteura, vamwe vaibatwa nemadhimoni pasvondo ipapo.

5 Matenga vaitaura chete kuti kureurura chete ndihwo upenyu.

6 Matenga vakaratidza basa ravo nezvisingadiwe mudenga.

7 Nanhasi paGuta raJehova hazvidiwi zvitema zvose; zvinoda kureurura chete.

8 Nekuti ndizvo zvavakatumirwa, kuti tirege zvitadzo zvedu zvose.

9 Mumwe mudzimai akanzi,"Amai vako vamire paguva nenzira yekutadzirana naBaba vako."

10 Mwanasikana anzwa izvi, akanoudza baba vake kuti Vamuprofita vakati amai vamire paguva; baba vanzwa izvi, vakanoripa mhosva iyi nekuti vakanga vachiiziva.

11 Nekuti vaiti mudzimai ndiye muroyi; ndiyo mhosva yacho yaakaripa mombe imwe chete, mhou.

12 Mwanasikana uyu aiva nepamuviri; akanzi achabereka mwanakomana, zita rake rinonzi Denesi, akanoitawo saizvozvo.

13 Ndipo paakatorwa naVaKaranda, nekuti mudzimai wake akanga areurura, ivo baba nemudzimai, kuti vapone; ndihwo hupenyu chete kureurura.

14 Vasara vega vakasara vachitora n'anga , Matenga vaenda.

15 Vakanyengedza Matenga , vakasara vakarapiwa nen'anga vachibva vatofa.

16 Asi pakanga paine mumwe mudzimai aivenga uyu nyakurwara; akazvireururawo kuti uyu munhu apone, asi akaramba.

17 Ndipo pakadzingwa Matenga nemumwe murume anonzi VaMagorimbo, Muvhangeri .

18 Nekuti Matenga vakati,"Reururai ndiko kuti mwana apone." Zvino murume uyu anoti,"Anonditi reurura seiko?"

19 "Iwe unogara paVaChaza iwe."

20 Matenga vanoti,"Hazvina mhosva kana uchindiziva, reurura chete, ndiko kuti mwana apone."

21 "Ini ndinoita mirairo yandakatumwa."

22 "Kana wototi 'reurura', wotobva zvako pano, ini ndiri Muvhangeri .."

23 Muvhangeri iyeye akaendazve kwaShe Gora akati,"Mudzimai ari pachechi pangu ngaabve."

24 Gora akabvunza kuti,"Aita sei?"

25 Akati,"Ngaabve chete, tsika dzake dzakaipa."

26 Gora akati,"Ini handina simba rekumudzinga kwete, anoita sekuda kwake."

27 Vabva kuMhondoro, vakaenda kuHarare kune mwana wavo, vakaroorwa naVaKwenda.

28 Vachifunga kuti vanopfuura vachienda kwaMurehwa.

29 Asi vari muHarare, vakafunga kuti vaende kwaSeke, vachibva pamukunda wavo.