Guta Ra Jehova
Lesson 56

Pipi Guru, Rwizi Runonzi Dhevure

1 Uru rwizi runonzi Dhevure, rwizi rwakanga rwapedza vanhu vazhinji kuyeredza gore negore; nevarungu vakatoyeredzwawo narwo rwizi irworwo.

2 Kunoti Matenga vapfuura nepo, vachiona mweya yese yakaipa yaiita basa rekuyeredza vanhu, iripo ichiita basa rayo semakore ose.

3 Matenga vakaenda kunoibvisa iyoyo mweya iyo yakaipa yenjuzu, vaiva VanaMasairire naVanaMachingura, yakagara kwazvo ipapa ichiita basa rayo.

4 Asi Matenga vakaenda ikoko, vakanamatira mushonga wemvura yemurukova irworwo.

5 Matenga vaibvunzisa iyoyi mweya yakaipa kuti,"Basa renyu guru ndereiko?"

6 Yakati,"Isu tiri madzimudzangara, tinogara muno mumvura chete."

7 "Takauraya vazhinji, kuti tiwande; asi tiri vazhinji, tiri njuzu."

8 Kunoti nerimwe zuva Matenga vanoti,vanoti, "Vanhu vaya vakatorwa nerwizi varikutarisisa kuti Matenga vanouya riniko kunotibvisa.vanouya riniko kunotibvisa."

9 "Nekuti vakanga vasandurwa vachiva hove vese."

10 Mweya iyoyo yakanga iri murwizi irworwo yakabviswa yose.

11 Varikubviswa takanzwa mhururu ichirira, kupangidza kubviswa kwavo murukova irworwo.

12 Vari kubviswa izvozvo, Matenga vaimwaya mvura yavo yemushonga, vachibira rwizi irworwo vanhu vachiimba.

13 Tasvika pakati perwizi, Matenga vakasara vachinamata ipapo; vakanamata vakanangisa kumadokera kwavakatorwa nerwizi.

14 Matenga vapedza vakati,"Uyai vana vangu muchiimba chete. Todzokera shure."Kuzoti taakunze kwerwizi, takapfugama Matenga vakateurazve pamwe na S. Mhundwa, naMai Nyamushanya, nevamwewo.

15 Matenga vanoti,"Kuone anemaziso emweya, ngaatarise pana Machingura, Masairire; muchitarisazve vanhu varikuburitswa murwizi."

16 Takabirazve, asi Matenga vairamba vachizvuva zvuva chari yavo inonzi Shumba iyoyo, vachifumhira chari yavo parukova runonzi Dhevure (Devil River).

17 Nguva yose yaiitwa basa rose iri, hapana kumbopfuura motokari zvayo kwete, Matenga vachishanda basa ravo.

18 Ngatiisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.